Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voita Musangano neMukuru weUnited Nations Munyika Vachikurukura Nyaya yeSarudzo.


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C VaNelson Chamisa nhasi vaita musangano wakakosha nemutungamiri wesangano reUnited Nations muZimbabwe VaEdward Kallon.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti nhaurirano yavo yange yakanangana nekuchinjana matama kuti nyika inofamba sei kuti Zimbabwe ifambire mberi zvakanaka. Vati vatura mashoko ekuti chido chavo kuda kuona United Nations ichioongorora sarudzo dzemuZimbabwe dziri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu. Vatiwo vanoda kuti pasawanikwe anobirira musarudzo kana kuita zvemhirizhonga.

Vatiwo vakurukura nezvekuti mapato ose ari kukwikwidza musarudzo awaniswe gwaro revavhoti kana kuti voters roll neZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC. ZEC iri kuti haingapi vari kukwikwidza musarudzo gwaro revavhoti sezvo ichiri kuri kwenenzvera.

VaChamisa vaudzawo Studio 7 kuti vataura nyaya yekusungwa kwenhengo dzebato ravo kusanganisira mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala yakurukuwrwa nezvayo. VaSikhala vave nemwedzi mipfumbamwe vari mujeri reChikurubi vachipomerw mhosva dzekuda kupesvedzera mhirizhonga dzavari kuramba.

Hatina kukwanisa kubata VaKallon kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi mwedzi wapera pachiitiko chekupa Zimbabwe Electoral Commission mari yekubatsirikana musarudzo vakaudza vatori venhau kuti United Nations iri kushushikana nemashoko ekuti sarudzo dzemuZimbabwe dzinogona kuita mhirizhonga vakati vanotsigira zviri kutaurwa nemapato ose zvekuti anoda sarudzo dzisina kudeuka kweropa.

Muzinda weUnited Nations muZimbabwe waburitsawo mashoko paTwitter kuti waita musangano naVaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG