Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris avo vari kushanyira Ghana parizvino vati panofanira kuve nekuzvipira pakudyidzana nemushandirapa,we pakati peAmerica nenyika dzemuAfrica.
Amai Harris, mudzimai uye mutema wekutanga kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika munhoroondo yeAmerica vataura mashoko aya pamberi pevechidiki zviuru zvisere muAccra.
Nhasi amai Harris vaendawo kuCape Coast Castle nzvimbo yaitakururiwa vanhu vemunyika iyi vaiendeswa muhunhapwa kuAmerica nedzimwe nyika dzakabudirira. Vati pane zvakaipa zvakaitika munhoroondo yekudyidzana kweAmerica neAfrica asi ikozvino yave nguva yekuita mukombera pamwe chuma chemuzukuru.
Vataura nyaya dzekuwanisa madzimai mukana uye kutsigira zvirongwa zvemadandemitande zvechizvino zvino nezvimwe. Vati kunyangwe paine zvimwe zvinorwadza zvakaitika munhoroondo yeAmerica neAfrica, vati zvakakosha kudyidzana.
Amai Harris vatiwo vakataura nenyaya dzezvekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu kusanganisirira vanoita zvehungochani pavakaita musangano nezuro nemutungamiri wenyika iyi vaNana Akufo-Addo.
Nyika dzose dzavari kushanyira muAfrica dzinoti, Ghana yacho, Tanzania neZambia dzine mitemo inoomesera vanoita zvechingochani.
Nezuro amai Harris vakati nyika yavo yainge yapa Ghana mari inosvika zana nemakumi matatu nemapfumbamwe emadhora ekuAmerica kana kuti 139 million yezvirongwa zvebudiriro.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi muzvinafundo Elliot Masocha vanoti zvakakosha kuti amai Harris vashanyire Ghana sezvo nyika iyi iri imwe dzenyika dzemu Africa dzakatanga kuwana kuzvitonga kuzere vakazo batsirawo dzimwe nyika dzemuAfrica.
Facebook Forum