Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yopomera Zimbabwe Mhosva Yekutyora Kodzero dzeVanhu Zvakanyanya


amnesty international
amnesty international

Sangano rakazvimirira roga rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti Zimbabwe iri pakati penyika dzepasi rino dziri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya vamwe vachipondwa.

Izvi zviri mugwaro raparurwa nesangano iri nhasi rinonzi, The 2022/23 Amnesty International Report. Vanonzi vari kutyorerwa kodzero dzavo zvakanyanya ndevanopikisa, vatori venhau uye vanhu vanorambidzwa kuratidzira kana vaine zvavanenge vachigunun’una nazvo.

Sangano iri rinoti munguva yesarudzo, Zimbabwe inozivikanwa zvikuru nenyaya yemhirizhonga uye vanoti sezvo nyika yatarisana nesarudzo gore rino, zvakakosha kuti hurumende ione kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kugara havo vachikurudzira runyararo asi vanopikisa vanoti muromo wagara hauzarirwe nerwizi.

Asi Zimbabwe yarumbidzwa nekuvandudza mitemo yekuchengetedza kodzero dzevana vasati vabva zera. Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende tatumira mubvunzo kumunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana uyo vange vasati vapindura.

Mumwe murwiri we kodzero dzevanhu vari mukuru we sangano reAamnesty International, Muzvare Lucia Masuka vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti jkodzero dzevanhu dzachengetedzwa nyika yedse uye kuti Mutungamiri we nyika VaMnangagwa vanofanira kutaura pamusoro pekumiswa kwe mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG