Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHupfumi Dzinoti Kufumurwa kweHuwori hweGoridhe neAl Jazeera Kungangokanganisa Hupfumi hweNyika


Goridhe
Goridhe

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kufumurwa kwehuwori mukutengeswa kwegoridhe kuri kuitwa nenhepfenyuro yeAl Jazzera kutanga svondo rapera kunogona kuisa bhanga guru renyika reResreve Bank of Zimbabwe pazvirango kubva kumasangano akaita seWorld Bank, Inetrnational Monetary Fund, I-M-F neAfrican Development Bank, sezvo riri kupinzwawo mumambure ehuwori aya.

Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakaburitswa neAl Jazeera zvinhu zvikuru chaizvo zvinokanganisa hupfumi hweZimbabwe, vachiti zvinozivikanwa pasi rose kuti kufambiswa kwemari kunofanirwa kutarisiswa nebhanga guru renyika yoga yoga.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitaura vakazvimirira, Muzvare Chenai Mutambasere, avo vari kuBritain, vanoti nemamiriro akaita nyaya iyi, bhanga guru reR-B-Z rinotofanirwa kuferefetwa nemasangano anokweretesa mari pasi rose akaita savana World Bank ne I-M-F, sezvo dzimwe dzemari dzinonzi dzaifambiswa muZimbabwe dzaive dzakasviba.

Imwewo nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kunyange hazvo mavhidhiyo eAl Jazeera achiri kuenderera mberi, zvipomerwa zvabuda pari zvino zvinosvibisa zita renyika kana hazvo zvakazonzi hazvisi zvechokwadi.

Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Asi Doctor Chitambara vanoti havaoni zvavo masangano akaita seWorld Bank neI-M-F achitora matanho pasati paitwa tsvakurudzo nemasangano akaita seFinancial Action Task Force, iyo vanoti yakaumbwa nesangano reG7 kuti iongorore nekuferefeta mafambisirwo emari pasi rose.

Ukuwo imwewo nyanzvi mune zvehupfumi, VaTrust Chikohora, avo vataura vakazvimirira, vanotiwo vachakamirira kuona zvikamu zvose zvemavhidhiyo eAl Jazeera aya kuti vagozokwanisa kubuda nemhinduro chaiyo.

Asi vanoti Zimbabwe yagara inotori pazvirango nechakare saka zvimwe zvirango zvingave zvipi futi?

Studio 7 yaedza kubata gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi Doctor Chitambara vanoti danho rakatotorwa kare neboka rebhanga iri rinoferefeta mafambisirwo emari munyika, reFinancial Intelligence Unit, rekutanga kuferefeta vamwe vari kufumurwa muhuwori uhwu, VaUebert Angel pamwe naVaEwan MacMillan kunyange hazvo mavhidhiyo aya asati abuda ose, idanho rakanaka chose uye rinogona kuita kuti Zimbabwe ionekwe kuti iri kutora nyaya iyi zvakasimba.

Sangano rinokweretesa mari pasi pose reIMF.
Sangano rinokweretesa mari pasi pose reIMF.

Vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti vari kuona sekunge nyaya yekuburitswa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo iyi ingangokanganisa zita renyika pachaitwa misangano wekutanga webhanga repasi rose, weWorld Bank Spring Meetings, uyo iri kutanga musi wa 10 Kubvumbi kusvika musi wa 16 Kubvumbi muWashington D.C.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, gavhuna veR-B-Z, Doctor Mangudya pamwe nevemasangano akasiyanasiyana emunyika vanotarisirwa kunge vachipinda mumisangano iyi.

Ukuwo, Al Jazeera iri kutarisirwa kuburitsa chikamu chepiri pazvikamu zvina zvevhidhiyo iri nemusi weChina svondo rino.

Vamwe muhurumende nemubato riri kutonga reZanu PF vanoti kuburitswa kwevhidhiyo iyi panguva iyo nyika yatarisana nesarudzo kwakanangana nakusvibisa zita renyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG