Accessibility links

Breaking News

South Africa Yosunga VaPutin Here Vakashanyira Nyika Iyi kuMusangano weBRICS?


VaVladimir Putin
VaVladimir Putin

South Africa iyo yakaisa ruoko rwayo pachibvumirano cheInternational Criminal Court chekusunga vose vanenge vachidiwa nedare riri muHague inoti ichiri kufunga kuti yoita sei nenyaya yemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin vari kutarisirwa kushanyira nyika iyi pachaitwa musangano wenyika dzinoti Brazil, Russia, China neSouth Africa unonzi BRICS.

Chibvumirano chinosungira nyika kusunga vanenge vanzi vaendeswe kudare reICC chinonzi Rome Accord.

VaPutin vakakokwa kumusangano uyu uri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu asi havasati vataura kui vachaenda here kana kuti kwete. ICC yakati VaPutim vabatwe kwavanenge vaenda vachipomerwa mhosva dzehondo muUkraine uye kupamba vana venyika iyi vachivaendesa kunyika yavo eRussia.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Naledi Pandor vanoti dare remakurukota enyika yavo riri kuzeya nyaya iyi uye rakamirira kunzwa pfungwa dzenyanzvi munyaya dzezvemitemo nezvechibvumirano cheRome Accord.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vanoti vanotsigra danho reICC rekuti VaPutin vasungwe.

VaOmar Hassan al-Bashir
VaOmar Hassan al-Bashir

Aka hakasi kekutanga South Africa ichiita dambudziko rakadai sezvo muna 2015 vaive mutungamiri wenyika yeSudan VaOmar Al Bashir vakazobva vachitiza nekukamba yemauto mushure mekunge vanzi vasungwe apo vakashanyira South Africa. Vaidiwa neICC nemhosva dzekuponda vanhu.

(Tinodawo kutenda atsvagiridzawo nyaya iyi Kate Bartlett, VOA News, Johannesburg))

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG