Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Matare Anofanira Kuomesera Vanoita Huwori Asi Vamwe Vachiti Ngavatange neZvakataurwa neAl Jazeera


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vakurudzira kuti vose vari kuita zvehuori nekushandisa zvinodhaka vavharirwe mumajeri vachiti izvi zviri kuuraya nyika pamwe nehupenyu hwevechidiki.

Vachitaura pakuvhurwa kwedare redzimhosva reEpworth Magistrates Court mumusha weEpworth pedyo neHarare, VaMnangagwa vati vatongi vedzimhosva vanofanira kutongera pakawomarara vanobatwa nemhosva dzehuori nekushandisa zvinodhaka vachiti nyaya yehuori inodzosera nyika shure uye kushandiswa zvinodhaka nevechidiki kuchiuraya ramangwana ravo pamwe nenyika.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati kutaura kusina zviito hakuna zvakunoreva vachiti nyaya yekuburitswa zvisiri pamutemo kwegoridhe kuri kuburitswa nenhepfenyuro yeAl Jazeera yanga ichifanira kutenge yatotanga kuferefetwa.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro wekomisheni inoona nezvekurwisa huori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, Amai Loice Matanda Moyo, kuti tinzwe kuti komisheni yavo ine matanho ayati yatorawo here panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo. ZACC yakati yakaisa ziso rayo sechapungu pane zviri kuburitswa neAl Jazeera uye RBZ yakatiwo iri kuongorora vamwe vari kufumrwa ava vakaita seVaUbert Angel.

Apo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rino, VaMnangagwa vakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika, masangano anoshanda akazvimirira, masangano enhau pamwe nevedzisvondo kuti vasimbaradze nyaya yerunyararo munyika vachiti mhirizhonga haifanire kushandiswa senzira yekugadzirisa kusawirirana kana kusiyana kwemafungiro pakati pevanhu munyika.

VaMnangagwa vakurudzirawo vatongi vedzimhosva kuti varange zvakaomarara vose vachawanikwa vachiita zvemhirizhonga pamberi pesarudzo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vati VaMnangagwa havana kumira pachokwadi sezvo vachiti bato ravo reZanu PF rinogara richiita zvemhirizhonga.

VaMnangagwa vakurudzirawo vatongi vedzimhosva kuti vasarambe vachingopfuudzira nyaya mberi dzisingatongwe vachiti izvi zvinonoka kuti nyaya dzifambe mumatare zvichidhurirawo veruzhinji vanenge vachibhadhara magweta.

Zvichakadai, mukuru wevatongi munyika, VaLuke Malaba vati Judicial Services Commission ine hurongwa hwekuvaka mamwe matare edzimhosva kunzvimbo dzinogara veruzhinji munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika dzakaita seCowdray Park kuBulawayo, Mkoba kuGweru, kuSakubva nekuDangamvura kwaMutare pamwe nemisha yeMabvuku neGlen Norah muHarare senzira yekuti veruzhinji vakwanise kuwana matare edzimhosva pedyo navo zvinoita kuti vasadhurirwe nekufamba vachienda kumatare.

Asi kunyangwe kuri kuwedzerwa matare aya, mamejastiriti akawanda ari kusiya basa sezvo ari kuti ari kutambiriswa mari shoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG