Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neBelarus Dzinoti Dzichaita Mushandirapamwe Kurwisa Zvirango


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa nemutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa nemutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava vari kuBelarus uko vari kuita musangano negurukota renyika iyi VaSergei Aleinik.

Makurukota maviri aya anoti kudyidzana uku kwakakosha zvikuru sezvo kuchipa nyika dzawo mukana wekurwisa zvirango zvayadzakatemerwa.

Asi vakatemera zvirango vanoti vatungamiri venyika mbiri idzi VaEmmerson Mnangagwa naVaAlexander Grigoryevich Lukashenko vanotonga nedemo.

Nhasi Zimbabwe neBelarus dzati dzanyorerana zvibvumirano zvekutengeserana nekudyidzana zvinosvika makumi matanhatu nemashanu.

Mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLivit Mugejo vati kudyidzana kwenyika mbiri idzi kwakakosha zvikuru kunyanya munyaya dzekusimudzira kurima muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana kwenyika Doctor Freddy Mutenheri vati Zimbabwe inogona kuguma yobatwa seyakageza negoka munyama nekudyidzana neBelarus neRussia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu uri kuitwa panguva iyo Russia iri kuronga kuendesa zvombo zvehondo zvemhando yenuclear kuBelarus iyo yakavakidzana neUkraine. Russia neBelarus dzinodyidzana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG