Accessibility links

Breaking News

Aive Mukuru muZANLA Oshora Zvekudya zveVapfupi neKureba


Mumwe aiva mukuru mukuru muZANLA aive nhengo yeHigh Command VaBernard Manyadza vaizivikanwa nezita rekuti Parker Chipoyera vashora zvikuru nyaya yekubiwa kunonzi kuri kuitwa goridhe munyika kwakafushunurwa nenhepfenyuro yekuQatar yeAl Jazeera.

VaManyadza vati zviri kuitwa nehurumende zvekudya zvevapfupi nekureba handizvo zvakarwirwa hondo yechimurenga.

Vakuru vehurumende nemubato reZanu-PF havasi kupindura mibvunzo yatiri kuvatumira nezvemhosva dziri kupomerwa vatungamiri vehurumende nevavanodyidzana navo vakaita sevanozviti muporofita VaUbert Angel nevamwe vachena vakawanda. RBZ yakatoti yave kuongorora nyaya iyi.

Zimbabwe inonzi iri kurasikirwa nemari inodarika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri pagore kana kuti US$1,2 billion nekuda kwekubiwa kwegoridhe.

VaManyadza vashora zvikuru vakaita sevanozviti Prophet Passion Java avo vari kubuda pavhidhiyo iri kutenderera vachiti vanhu vemunyika havana zvavanoita nekuti Zanu-PF ine mauto, mapurisa nematare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG