Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocherechedza Zuva reRurindi, reWorld TB Day, Hurumende Ichikurudzirwa Kuisa Mari Kurwisana neDenda Iri


Pasi rose rachertechedza zuva rerurindi pasi rose, reWorld TB Day.
Pasi rose rachertechedza zuva rerurindi pasi rose, reWorld TB Day.

Pasi rose neChishanu rabatana mukucherechedza zuva rechirwere cherurindi, kana kuti Tuberculosis (TB), reWorld TB Day, hurumende ichikurudzirwa kuisa mari yakawanda mukurwisana nedenda iri munyika.

Mukutanga kwegore rino, Zimbabwe yakaparura hwaro hunobata mapoka akawanda hwakanangana nekupedza denda rerurindi panosvika gore ra 2030, asi nyanzvi mune zvehutano dzinoti chirwere cheTB charamba chiri chimwe chezvirwere zviri pamusoro muZimbabwe zviri kukonzera ndufu.

VaItai Rusike veCommunity Working Group on Health.
VaItai Rusike veCommunity Working Group on Health.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti nekuda kwedenda reCovid-19, matanho akanga ambotorwa pakurwisana nechirwere ichi akakanganisika ose, zvese zvakadzokera kumashure.

VaRusike vanoti hurumende inofanirwa kuisa mari yakawanda mumabasa ekurwisana neTB, michina inovheneka chirwere ichi, pamwe nemabasa ekutsvaga mishonga yekuchimisa zvachose.

TB chirwere chinokonzerwa nehutachiwana hunokuwadza mapapu uye chinonzi ndicho chimwe chezvirwere zvakaipisisa pasi rose.

Asi pasi rose pane tarisiro yekuti mushonga wekupedza chirwere ichi unogona kugadzirwa mumakore mashoma anotevera.

TB inonzi yakauraya vanhu vanosvika miriyoni imwechete nezviuru mazana matanhatu, kana kuti 1.6 million, gore rapera ra2022.

Zuva reWorld TB Day rinocherechedza musi wa 24 Kurume gore roga roga kucherechedza kuwanikwa kwehutachiwana hunokonzera chirwere cherurindi kwakaitwa nachiremba vekuGermany, Doctor Robert Koch, mugore ra 1882.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG