Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yakazvipira Kuchengetedza Vatori veNhau Apo Nyika Yopinda muSarudzo.


Mutori wenhau, Ruvimbo Muchenje, akamborohwa nemapurisa achiita basa rake.
Mutori wenhau, Ruvimbo Muchenje, akamborohwa nemapurisa achiita basa rake.

Hurumende inoti yakazvipira kuchengetedza vatori venhau kuti vashande zvakasununguka apo nyika yatarisana nesarudzo dzirikuitwa gore rino.

Vachitaura pamusangano wakokerwa neMedia Alliance of Zimbabwe, uyo wanga uchikurukura nezvekuchengetedzeka kwevatori venhau apo vanenge vachiita basa ravo, mushandi mubazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Gandari, vati hurumende inoda kuti vatori venhau vashande zvakasununguka.

Izvi zvatsigirwa naVaAcademy Chinhamora, vataura vakamirira Zimbabwe Media Commission, VaChinhamora vatiwo senzira yekuzvidzivirira vatori venhau vanofanirwa kuzvizivisa kana vasvika panzvimbo pavanen ge vachishandira.

VaChinhamora vatiwo pamutemo uriko haisi mhosva kuti vatori venhau vashande pasina chitupa chinopiwa neZimbabwe Media Commission.

VaAcademy Chinhamora vekuZimbabwe Media Commission
VaAcademy Chinhamora vekuZimbabwe Media Commission

Mutori wenhau, Ruvimbo Muchenje, uyo akamborohwa nemapurisa achitora mifananidzo, audza Studio 7 kuti apo nyika yatarisana nesarudzo ishuviro yake kuti mapurisa nevatori venhau vashande zvakanaka .

Vataura vakamirira mapurisa eZimbabwe Republic Police, VaGodfrey Katsvanga, vati ishuviro yavo kuti vashandidzane zvakanaka nevatori venhau vachiti nhaurirano dzakakosha.

Vachibvunzwa nenyaya yekuti vatori venhau vatore zvitupa zvinopiwa neZimbabwe Electoral Commission kuti vakwanise kunyora nezvesarudzo, mutevedzeri wevanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZimbabwe Electoral Commission, VaRichard Ngurunga, vati zvakakosha kuti ZEC izive vatori venhau vanenge vachinyora nezvesarudzo.

VaNgurunga varambawo kuti kune kusawirirana kukomisheni inoona nezvesarudzo iyi zvichitevera kusawirirana kuripo nezvegwaro rekutarwa kwemiganhu.

Vatori venhau vati vanoda kuti hurukuro dzekuchengetedzeka kwavo dzienderere mberi vachiti vanodawo kusangana nevamiririri vemapato akasiyana-siyana kuti vavavimbise kuti hakuna nhengo dzemapato dzichakanganisa vatori venhau vari pabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG