Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChidiki wekuBindura, Liberty Kaboetsa, Obura Kambo Katsva Kanonzi "Mhama Ndimi Mune Rudo"


 Muimbi wemusambo weZim Dance Hall, Liberty Kaboetsa.
Muimbi wemusambo weZim Dance Hall, Liberty Kaboetsa.

Vamwe vaimbi vekumadhorobha madiki emunyika vanoda kuita mukurumbira vanotokaka rwendo kuenda kumaguta akaita seHarare neBulawayo vonoridza variko.

Asi vamwe vakaita semuimbi wemusambo weZim Dance Hall, Liberty Kaboetsa, uyo ari kuBindura, mudunhu reMashonaland Central, kuimba ari mudunhu maakawana mukurumbira ari ndiko kutenda chete kwaanokwanisa kuita nako vatsigiri vake vakamusimudza.

Liberty ane kambo kake kanonzi “Mhama Ndimi Mune Rudo” kari kupisa,ako kaanoti kane nhoroondo yekuda kutenda vabereki vake nekumurera uye nekumudzidzisa hupenyu kusvika ave chigondora chave kukwanisawo kuzvishandira nekuzviriritira.

Muimbi uyu anoti akazvarirwa kuMadziwa kwakare kuMashonaland Central kunova ndiko kwaakakurira, asi pari zvino ave kurarama ari mudhorobha reBindura kwaanoti ndiko kune vateveri vake vakawanda vemimhanzi yaari kurova.

Kaboetsa anoti semuimbi achiri kusimukira matambudziko aanosangana nawo kunyanya ndeekushaiwa mari yekutsikisa mimhanzi yake pachishandiswa michina yepamusorosoro, uyewo kuti agone kuunganidza vanhu vakawanda achiita ma “Live Shows”.

Anoti akakwanisa kuwana mari anogona kuzvishambadza zvakanyanya uyewo kukura nekukurumidza munyaya dzemagitare.

Liberty anoti vanoda kumubata vanomuwana panharembozha kana paWhatsapp panhamba dzinoti +263 7783 577 433.

Anotiwo mimhanzi yake inowanika pamadandemutande anoti YouTube, neFacebook.

Hurukuro na Liberty Kaboetsa - WOZA FRIDAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG