Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Yonyevenutsa Zvishoma Kubhadharwa kweMari dzeKupaka Motokari muHarare


Meya weHarare VaJacob Mafume
Meya weHarare VaJacob Mafume

Mushure mekuchema chema kwevanhu nekudhura uye nguva shoma yekuti munhu abhadhare faindi yekupaka motokari muguta reHarare, kanzuru yaita musangano wechimbi chimbi nhasi ikawedzera nguva inopihwa munhu kuti abhadhare motokari yake isati yatorwa.

Kanzuru yeHarare ichishanda nekambani yayo yeCity Park, inobhadharisa munhu faindi yemadhora makumi mashanu nemanomwe ekuAmerica (US$57) kana achinge asina kubhadhara dhora rimwe chete rekuAmerica rekupaka motokari kweawa imwe chete uye mari iyi inokwira kusvika zana nemadhora makumi maviri (US$132) kana motokari ikazotorwa kuendeswa kumahofiri ekanzuru.

Sachigaro werimwe sangao revagari reHarare Metropolian Residents Forum (HAMREF) VaMarvelous Khumalo, vati mari iyi yakawandisa uye vanhu vazhinji vakaomerwa nehupenyu munyika nekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Izvi zvatsigirwa nemumwe mutyairi wemuHarare, VaGeofrey Dhliwayo

Asi VaMafume vati kanzuru yavo iri kuongorora nyaya iyi uye nhasi yaitawo chisungo chekuti vanenge vabatwa nemhosva vapihwe mukana wekutsvaga mari yefaindi motokari dzavo dzisati dzatorwa nekanzuru.

VaMafume vabvuma kuti zvinhu zvakaoma munyika nekudaro vave kuongoroa nyaya yemari yefaindoi iri kubhadharwa nechinangwa chekuvandudza mutemo kuti vaidereredze.

Vaenderera mberi vachiti mari inowanika neCity Park haipinde mubhajeti rekanzuru asi vakati kambani iri kuita mambasa ekusimudzira guta akaita sekugadzira nhandare yeRufaro Stadium.

Vanoona nekufambiswa kwebasa musangano reCombined Combined Harare Residents Associations, VaRuben Akili, vati izvi zvakanaka asi vagari vanofanira kuziviswa.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti mafaindi anodiwa nekanzuru yeHarare akawandisa uyewo hapana chiri kuitwa nekanzuru kuti vanhu vawane pekupaka motori dzavo zvakanaka.

Hurumende haisi kufara nezviri kuitwa nekambani yekanzuru yeCity Park uye masvondo maviri apfuura gurukota rezvemadhorobha nematunhu, VaJuly Moyo vakaumba komiti yekuongorora kuti mari dziri kuwanikwa nekambani iyi dziri kufambiswa sei.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG