Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vonzi Vane Ruzivo neZvekubiwa kweGoridhe muNyika Mutsvakiridzo yeAl Jazeera


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Nhepfenyuro yeAl Jazeera nhasi yaburitsa ongororo yehuwori hunotyisa hunonzi huri kuitwa nevamwe vakuru vehurumende zvichinzi zvine maropafadzo emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Izvi zviri kuitika munyaya dzekutengeswa kwegoridhe zvehuwori mukati zvapa kuti nyika irasikirwe nemabhiriyoni emadhora akawanda.

Al Jazeera yaparura chirongwa chekutanga pazvirongwa zvina muongororo inonzi Gold Mafia-Episode 1 The Laundry Service.

VaUrbert Angel, vakadomwa semumiriri weZimbabwe asina hake nyika yaanomirira kana kuti Ambassador- at- Large naVaMnangagwa vari pakati pevanhu vakabatwa mumambure aya vachitenda kuvatori venhau VEaL Jazeera kuti ndivo vanoshandiswa kuchenesa mari dzehuwori.

Izvi vanoti vanoita kuburikidza nekutenga goridhe muZimbabwe vachishandisa chigaro chavakapihwa naVaMnangagwa kuti zvive nyore. Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa vaGeorge Charamba kana munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko vaNick Mangwana sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaAngel vanitu vanoshanda nemumwe muzvinabhizimisi VaRikki Doolan vachiti VaMnangagwa vanoziva zviri kuitika uye vanotenderana nazvo. Vamwe vari kupomerwa mhosva dzehuwori ndiVaKamlesh Pattni vanopomerwawo mhosva dzekuita huwori hunechekuita negoridhe zvekare kuKenya kuma 1990 .

Goridhe iri rinonzi rinotakurwa kubva kuZimbabwe pasvondo rega rega richiendeswa kuDubai.

Mumwe ari kunzi ari kuita zvehuwori ndiVaSimon Rudland shoroma yemuZimbabwe ine kambani inonzi Gold Leaf Tobacco. Mutungamiri weZimbabwe Miners Federation Muzvare Henrietta Rushwaya vanova hama yaVaMnangagwa vanonzi varimowo mudhende iri.

Vanhu ava vanonzi vanoshanda neRBZ. Asi VaPattni naVaRudland vanonzi neAl Jazeera vave kuramba kuti vari kuita huwori. Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya vakatiwo havanei nechekuita nezvehuwori uhu.

Vachibvunzwa neStudio 7 nezvemhosva dzavari kupomerwa, Muzvare Rushwaya vati, “Regai tione painoperera then I will comment” Hatina kukwanisa kubata VaAngel, VaMcmillan naVaDoolan.

Mupepeti mukuru webepanhau repadandemutande reNewsHawks VaDumisani Muleya vati zvinhu zvinosuwisa kuti mutungamiri wenyika ari kunzi anoziva zviri kuitika vakati kana zvadai hapana kunenge kuchienda nyika.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, imwe nhengo yeZanu-PF Doctor Masimba Mavaza vati hakuna dunhu risina datya nekudaro vanhu vashoma vakaita savaAngel nevamwe vavo vari kuita huwori kwete Zanu-PF.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vakurudzira kuti patorwe matanho nekuti huwori hwapa kuti nyika inange kumawere.

Vanokokera mabasa sangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa kuchamhembe kweAfrica VaAlouis Chaumba vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi haifanire kurova vachikurudzira kuti vose vari kunzi vakaita huwori vaferefetwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vati nyika iri kurasikirwa nemari yakawanda nenyaya yehuwori inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazama mashanu.

Nezuro, bazi reReserve Bank rinoona nezvekufambiswa kwemari reFinancial Intelligence Unit rakaburitsa mashoko kuvatori venhau richiti riri kuferefeta VaAngel naVaEwan Mcmillan nezvarinoti huwori mukufambiswa kwemari zvinogona kukonzera mabasa ehutororo.

Hatinawo kukwanisa kunzwa divi reZimbabwe Anti-Corruption Commision Amai Loice Matandamoyo sezvo vange vasati vapindura mubvunzo watavatumira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG