Accessibility links

Breaking News

Sangano rePoliteness Foundation Robatsira Vanorarama neHurema Vane Magwaro eZEP muSouth Africa Vari Kuzvipira Kudzokera Kumusha


Politeness Foundation
Politeness Foundation

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro naVaTapera Nyoni, vanove sachigaro vebhodhi resangano rinomirira vanorarama nehurema, rePoliteness Foundation.

Sangano iri riri kubatsira vanorarama nehurema vari muSouth Africa avo vatarisana nekudzoserwa kumusha panoguma kushanda kwemagwaro eZimbabwe Exemption Permits.

VaTapera Nyoni, sachigaro vesangano rePoliteness Foundation
VaTapera Nyoni, sachigaro vesangano rePoliteness Foundation

VaNyoni vanoti pari zvino sangano ravo riri kushanda pamwechete nemuzinda weZimbabwe muSouth Africa uye sangano reInternational Organisation for Migration, IOM, mukunyoresa vari kuzvipira kudzokera kumusha, pamwe nekuvawanisa magwaro ekuberekwa neekufambisa.

Asi vanoti chimhingamipinyi chikuru chiri kusangana nevanorarama nehurema kana vakazvipira kudzokera kumusha ndechekuti vakwanise kuzviraramisa vachizviitira mabasa emaoko sezvo vazhinji vavo vari kurarama nekupemha makare muSouth Africa.

VaNyoni vanoti vanoda kubata sangano ravo re Politeness Foundation, vanogona kuenda kumahofisi avo ari ku Four Ways mu Johannesburg kana kufona panhamba dzinoti +27 69 39 555 29.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG