Gwaro raburitswa nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica reState Department rinotarisa nyaya dzekodzero dzevanhu rinoti Zimbabwe iri pakari penyika dziri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya zvapa kuti vamwe vanhu vapondwe vari mumaoko emapurisa.
Semuenzaniso muna 2021 amai Sharai Mukaro vanonzi vakaitwa kafiramberi nemapurisa vakafa paChivhu police station vachipomerwa mhosva yekuba.
Gwaro iri rinotiwo vatsigiri veZANU PF vanoita madiro ajojina richipa semuenzaniso kupondwa kwakaitwa vamboneni ncube vetriple C kuKwekwe nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZANU PF. Izvi zvinonzi zvakaitika kwadarika zuva rimwe chete chete mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vati veCCC vaizotswanywa seinda.
Hurumende iri kupomerwa mhosva yekushandisa mapurisa nematare kumbunyikidza kodzero dzevanopikisa, vanorwira kodzero dzevanhu, vashandi, madzimai ne vanotengesa mumigwagwa nevamwe.
Mauto, mapurisa nevasori vanonzi vanoregedzwa vachityora kodzero dzevanhu vachiratidza pachena kuti vanotsigira bato reZANU PF.
Hatina kukwanisa kubata mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana kuti tinzwe divi ravo. Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanogara vachiuudza Studio 7 kuti mapurisa nematare haaudzwe zvekuita nevakuru vehurumende.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti zvakakosha kuti hurumende igadzirise nyaya yekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu sezvo wongororo dzakadayi dzicharamba dzichiitwa gore rega rega. Vanoti hurumende inokwanisa kugadzirisa nyaya yekutyorwa kwekodzero idzi kana ichida.
Facebook Forum