Accessibility links

Breaking News

Gwaro reWorld Bank Rinoisa Zimbabwe Pamusoro peNyika Dzine Mitengo yeZvekudya Yakakwirisisa Pasi Rose


Gwarro reWorld Bank riri pamusoro pemitengo yezvekudya iri pamusorosoro pasi rose.
Gwarro reWorld Bank riri pamusoro pemitengo yezvekudya iri pamusorosoro pasi rose.

Bhanga repasi rose, reWorld Bank, rinoti Zimbabwe yaramba iri panhongonya penyika dzine mitengo yezvekudya yakakwirisisa mupasi rose apo yaramba iri pamusoro penyika gumi dzine mitengo yezvekudya yakakwirisisa mupasi rose.

Gwaro rakaburitswa neWorld Bank remwedzi waKurume rakaisa kukwira kwemitengo yechikafu muZimbabwe pagore zvichisanganisira inflation pazvikamu mazana maviri nemakumi matanhatu nezvina kubva muzana, kana kuti 264 percent, kubva pazvikamu mazana matatu nemakumi maviri nechimwe kubva muzana, kana kuti 321 percent.

Mitengo yechikafu pagore pasina inflation kana kuti real food inflation yakadzika kubva pazvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana kana kuti 52 percent, kusvika pazvikamu makumi mana nechimwe kubva muzana kana kuti 41 percent, zvakasiya Zimbabwe iri pamusoro zvekare.

Asi kunyange hazvo zvikamu izvi zvakaderera, Zimbabwe yakaramba iri pamusoro mupasi rose. Izvi zvinotsanangurwa nenyanzvi mune zvehupfumi, vachishanda nesangano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitamaba, avo vanoti zviri kukonzerwa nekuti mumwaka wa 2021/2022 nyika haina kukohwa zvakanaka.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti zvinoshamisa kuti sei mitengo yezvekudya munyika iri pamusoro kudarika dunhu rose rekuchamhembe kweAfrica, vachiti panofanirwa kupiwa tsananguro yekuti sei zvakadai.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaPersistence Gwanyanya vanotiwo mashoko eWorld Bank anofanirwa kupenengurwa zvakanyanyisisa vachiti kukwira kwemitengo munyika kuri kuratidza kushaya simba kwedhora remunyika.

Asi VaMoyo vanoti mitengo yakatarwa nemari yekunze iri kungokwidzwawo zuva nezuva, izvo vanoti zvinoshamisa kuti zviri kuitika sei?

Saka izvi zvingagadziriswa sei? Doctor Chitambara vanoti kuti dambudziko iri ripere nyika inofanirwa kusimba pakuvandudza nyaya dzemadiridziro, yosiyana nenyaya yekumirira mvura yemudenga.

Ukuwo, VaMoyo vanoti dambudziko iri rinopera chete kana hurumende yakatara pari yepasi pasi inofanirwa kutambirwa nemushandi, kana kuti minimum wage.

Mutungamiri wesangano re Confederation Of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutanshu vanga vasati vapindura mibvunoz yedu yatavatumira.

Dzimwe nyika dzemuAfrica dzinonzi negwaro reWorld Bank dzine mitengo iri pamusoro zvanyanya pachitariswa nominal food inflation dzinoti Rwanda, neGhana, kuchitiwo ku real food inflation kune Rwanda, Egypt, Cape Verde, neUganda.

Dzimwe dzepasi rose dziri mugungano iri dzinoti Lebanon, Argentina, Iran, Turkey, Suriname, Sri Lanka ne Lao people’s Republic.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG