Accessibility links

Breaking News

Cholera Youraya Vanhu Vana muZimbabwe


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vana vafa nechirwere checholera kubva zvachatanga kupararira musi wa 13 Kukadzi. Vamwe vakafa zvizvarwa zvekukuMozambique zvainge zvaenda kunorapwa kumbire, mashonaland central.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vatenda kuti kune vanhu vekunyika yeMozambique vakashaikira muZimbabwe.


Mumashoko kuvatori venhau, bazi rezvehutano ratieo vanhu gumi nevashanu vanofungirwa kuti vakabatwa nechirwere ichi munyika. Pavanhu ava gumi vakabatwa kuMbire vatatu kuChimanimani mudunhu reManicaland uye vaviri kuBeitbridge kudunhu re Matebeleland south.

Vanhu vabatawa nechirwere ichi munyika vave zana nemakumi manomwe nevatatu 173. Rimwe sangano rana chiremba rinorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Doctors for Human Rights(ZDHR) rinoti chirwere ichi chirikukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena mumaguta nekumaruwa. Mukuru webasa muZDHR, Dr Norman Matara vati chirwere ichi chiri wedzera nekushaikwa kwemishonga muzvipatara.

Asi VaMujiri vati hurumende yakagadzirira zvakakwana vakatiwo vari kusimbaradza nyaya yechenjedzo kuvanhu.

Mutauriri wevagari musangano reBikita Residents and Rate Payers Association(BIRRA), VaMark Mutengani vakurudzira kuti dambudziko rekushaikwa kwemvura yakachena rigadziriswe nechimbi chimbi.

Dambdziko remvura rawedzerwawo nekudzimwa dzimwa kwemagetsi uye kushomeka kwemishonga yekuchenesa mvura yacho.
Mumwe
Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke vati nyaya yekudzimirwa magetsi kumichina inochenesa mvura ichakonzera kupararira kwedenda iri kana zvikasagadziriswa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZESA VaGoerge Manyaya sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Vanachiremba vanokurudzira vanhu kuti vamwe mvura yakachena, kugeza maoko vasati vadya, kusangoungana, uye kugeza maoko nezvikafu nemvura yakachena.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG