Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vanoti vanogona kusungwa chero nguva vachipomerwa mhosva yekubhadhara mari yavhara muromo muchiwande kune mumwe mudzimai aiita zvemitambo yepabonde- anonzi Stormy Daniels muna 2016.
Zvinonzi Stormy Daniels akapihwa mari inosvika zana nemakumi matatu emadhora kana kuti US$130,000
VaTrump vanonzi vakaita izvi nechinangwa chekuda kuti vanhu vasazive zvakaitika sezvo vainge vopinda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzavaikwikwidzana naAmai Hillary Clinton.
Asi mari dzakabhadharwa idzi dzinonzi dzaifanira kuziviswa kuhurumende pasi pemitemo yesarudzo yemuAmerica.
Nyaya iyi iri kuferefetwa nevachuchusi vemuNew York. Kunyangwe VaTrump vari kukurudzira vatsigiri vavo kuti varatidzire, vachuchusi hapana chavati vataura kusvika parizvino.
Facebook Forum