Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoiswa Pakati peNyika Dzepasi Rino Dzisina Mufaro.


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Zimbabwe inonzi iri pakati penyika dzisina mufaro pasi rose muongororo yakaitwa nesangano reSustainable Development Solutions Network. Dzimwe nyika dzisina mufaro dzinoti Sierra Leone, Afighanistan, neCongo. Nyika dzine vanhu vane mufaro dzinoti yekutanga, Finland, Denmark, Iceland, Israel neNetherlands.

Gwaro iri rinoburitswa pazuva re international day of happiness musi wa 20 kurume. Izvi zvinotevera ongororo inenge yaitwa neGallup World Poll nemamwe masangano

Asi vanhu vakawanda munyika vanoti zuva iri harina zvarinoreva kwavari sezvo vari kushaiswa mufaro nenhamo pamwe nekutyorerwa kodzero dzavo.

Mumwe wevanhu vane muonero wakadai, ndiAmai Christina Muparadzi, avo vane makore makumi mana nemapfumbamwe ekuberekwa.

Amai Muparadzi vanoita zvekutengesa zvinhu mumugwagwa mumusha unogara veruzhinji, weHopely, kuchamhembe kweguta reHarare. Amai Muparadzi vanoti vane vana vanomwe uye ishirikadzi mushure mekufirwa nemurume wavo mugore ra 2010.

Amai ava vanoti vari kunhonga svosve nemuromo uye mapurisa ekanzuru haana tsitsi navo nekuti anovashungurudza pavanenge vachitsvaka cheuviri mumigwagwa mavanotengesera.

VaJabulani Chikomwe, avo vane makore makumi mana nematanhatu ekuberekwa, vanotiwo havana mufaro muhupenyu hwavo..

Mumwe mugari wemuHarare, VaTafara Nyamhunga, vanotiwo havaoni kukosha kwezuva reInternational Day of Happiness vachiti vanongoisa tarisiro yavo kuna Mwari vachizvinyaradza nekugara vachinwa hwahwa.

Asi VaCrispen Chinyani, avo vane ane makore makumi mana nematatu ekuberekwa, vanoti ivo vagere tatata, nekudaro vanopemberera zuva reInternational Day of Happiness.

Asi chipangamazano musamgano re Labour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Va Prosper Chitambara, vanoti ivo kufara kwevanhu kungaita kuti vapemberere zuva reInternational Day of Happiness kunenge kuine chekuita nemamiriro akanaka ehupfumi hwenyika.

Chipangamazano musangano re International Media Support, VaRashweat Mukundu, vanoti hapana chekufarira zuva iri muZimbabwe sezvo vanhu vakawanda vari kuyaura nenhamo.

Asi mumwe wechidiki muZanu PF, VaTaurai Kandishaya, vanoti pane zvakawanda zvinoita kuti zvizvarwa zvenyika zvipemberere International Day of Happiness.

Mashoko aVaKandishaya anopesana nemaonero aAmai Muparadzi avo vanoti ivo nevamwe vazhinji munyika yese vaneta nekukanga waya.

Mutsigiri weCitizens Coalition for Change, VaElvis Mugari, vanoti ivo mukutarisa kwavo vanoona pasina chikonzero kana chimwe zvacho chingaita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvifarewo pazuva iri.

Asi gurukota rezvekugara kwakanaka kweveruzhinji muZimbabwe, VaPaul Mavima, vanoti bazi ravo riri kuita basa rakanaka kuitira kuti vanhu vave nemufaro muhupenyu hwavo.

International Day of Happiness rakatarwa muna Chikunguru 2012 neUnited Nations General Assembly kuti ringe richicherechedza musi wa 20 Kurume gore rega rega senzira yekukoshesha mufaro muvanhu pasi rose.

Asi vakawanda muZimbabwe vakaita saAmai Muparadzi nevamwe vanoti munyika hamuna mufaro sezvo vanhu vakawanda vari kutyorerwa kodzero dzavo munyaya dzakasiyana siyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG