Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Hurongwa Hwesarudzo dzeMaPrimary Hwatanga


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti gadziriro yekuita sarudzo dzemaprimary dzebato ravo yatanga. VaChamisa vanoti vaparura hurongwa hwekusangana nevatungamiri vebato mumatunhu uye nhasi vange vari kuMidlands. Vakatoita misangano iyi muHarare, Manicaland, Masvingo neBulawayo.

VaChamisa vanoti vanhu vachasarudzwa vatungamiri vavanoda munharaunda mavo. Vanoti zvasiyana nezvaiitwa kare zvekuti vamwe vatungamiri vaiita zvekuzvigadza.

Vatiwo vari kutarisira kuti vachakunda musarudzo kunyangwe vari kuti veZanu-PF vari kushandisa mamwe madzishe nekutyisidzira vanhu.

Asi veZanu-PF vanogara vachiti nyaya dzakadai dzinofanira kumhan’arwa kumapurisa. VeCCC vanoti vatoneta nekunomhan’ara kumapurisa avanoti anotarisa kuti wabuda mumba maani. Mapurisa anoramba hawo kuti anotema akarerekera divi rimwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG