Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vachaenda Pakunogadzwa kwaMambo Charles III Asi Vamwe Vachironga Kuratidzira Vachiti Vanotyora Kodzero DzeVanhu


Mambo Charles III
Mambo Charles III

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagw vanyora mubepanhau reSunday Mail nhasi kuti muna Chivabvu vari kuenda kuBritain pachange pachigadzwa mambo wenyika iyi King Charles III.

Asi mutauriri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reRestoration of Human Rights Zimbabwe VaPanyika Karimanzira vati vari kuronga kuratidzira vachipomera VaMnangagwa mhosva yekutonga nedemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata muzinda weBritain muZimbabwe kuti tinzwe divi rawo panyaya iyi.

Pakavigwa Mambokadzi Elizabeth muna Gunyana, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava ndivo vainge vakamirira VaMnangagwa murwendo rwainge rwakonzera mutauro pasi rose vamwe vachishora Britain nekudaidza VaMnangagwa vanopomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Asi vachipindura mubvunzo weStudio 7, mutaururi webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VeLevit mugejo vati Zimbabwe inoda kuva shamwari yenyika dzose. Vati kuenda kwaVaMnangagwa kwakananga nekuzadzikisa chido chehurumende yavo kuumba hukana nedzimwe nyika kusanganisira Britain.

Asi zvimwe zvirwarwa zveZimbabwe zviri kuBritain zvinoti zviri kuonga kuratidzira kana VaMnangagwa vakauya kugungano iri.

Tichiri panyaya yekugadzwa kwaMambo Charles III iyi, nyaya yaVaMnanagwa haisi iyo chete iri kunetsa sezvo muma yeushe iyi muine kunetsana pakati paMambo nemumwe mwanakomana wavo Harry uye muroora wavo Merghan avo vave kugara muAmerica vakati havachinei nehushe.

Vaviri ava vanonzi vakakokwa asi vana vavo vaviri vadiki havana kukokwa zvapa kuti vemapepanhau vagare vachinyora nezveropa rakaipa mumba iyi.

Mergna naHarry vakati mumba yehushe iyi mune rusaruranganda sezvo Merghan ari mutema. Asi muimba yehushe iri kuramba mashoko aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG