Accessibility links

Breaking News

ICC Yoti Mutungamiri weRussia, VaPutin, Vasungwe neMhosva dzeHondo Dzavanonzi Vakapara muUkraine


Mutungamiri weRussia, VaVladimir Putin
Mutungamiri weRussia, VaVladimir Putin

Dare repasi rose, reInternational Criminal Court, kana kuti ICC, neChishanu rakakurudzira kusungwa kwemutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, richivapomera mhosva dzehondo pakuve nechekuita kwavo pakupambwa kwevana vadiki kubva muUkraine.

VaPutin nemumwe mukuru muhurumende yeRussia, Amai Maria Alekeseyevna Lvova-Belova, vanove komishina anoona nezvekodzero dzevana, vari kupomerwa mhosva yekudzinga vanhu, kunyanya vana, kubva munzvimbo dzakapindwa neRussia muUkraine vachivaendesa kuRussia kutanga musi wa Kukadzi 24, 2022, zuva rakatanga Russia kupinda muUkraine.

Mutungamiri weICC, VaPiotr Hofmanski, vakaudza VOA kuti muchuchisi akapira zvipomerwa izvi, izvo zvakaongororwa nevatongi vakazvimirira avo vakafunga kuti pane zvikonzero zvinokosha zvinoita kuti vatambire kuti ichokwadi kuti mhosva idzi dzakaparwa nevanhu ava, nekudaro vanofanirwa kusungwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG