Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeCCC kuBikita East Inoti Yakapisirwa Imba Muchiitiko Chine zveMatongerwo eNyika


Edward Chikomba's Burned Hut
Edward Chikomba's Burned Hut

Nhengo yebato reCitizens’ Coalition for Change kuWard 15 kuBikita East mudunhu reMasvingo, VaEdmore Chikomba, vanoti vakapisirwa imba yavo neChishanu masikati muchiitiko chavanofunga kuti chine chekuita nezvematongerwo enyika.

VaChikomba, avo vasina kuda kudoma munhu kana bato ringadai rakaita izvi, vanoti vanogona kuvengwa nekuti vari kuda kukwikwidza sakanzura muwadhi mavo.

Vanotiwo nemamiriro akaita zvinhu munguva ino yekutarisira sarudzo, imba yavo inogona kunge yakapiswa neverimwe bato ravasina kudoma nezita, kanawo nevamwe mubato ravo vanogona kunge vachidawo chigaro chavari kuda kukwikwidza.

VaChikomba vanoti vakarasikirwa nemidziyo yavo yose inosanganisira magumbeze, chikafu pamwe nemagwaro ekuberekwa kwevana uye zvitupa zvavo ivo nemudzimai izvo zvakanga zviri mumba umu.

Vanoti vakamhan'gara chiitiko ichi kumupurisa wemumusha asi nemusi weMuvhuro svondo rinouya vachaenda kukamba yemapurisa yeBikita pamwe nekunotora mamwe magwaro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG