Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vanofungidzirwa Kuti Vangadai Vakabatwa neChirwere cheCholera Hunokwira muNyika


Chirwere che cholera chinonzi chanetsawo munyika yeMalawi.
Chirwere che cholera chinonzi chanetsawo munyika yeMalawi.

Huwandu hwevanhu vanofungidzirwa kuti vabatwa nechirwere
chemanyoka che Cholera munyika hunonzi hwakwira kusvika kuzana nemakumi maviri nemumwe, kana kuti 121 kubva pamakumi manomwe nevanonwe, 77, nemusi weChitatu, vanhu makumi maviri nevaviri vachifungidzirwa kuti vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro chete.

Bazi rioona nezvehutano nekuchengetedzwa kwevana munyika raburitsa mashoko ekuti pavanhu ava gumi nemumwe vakandorapwa kuCentenary
kudunhunre Mashonaland Central, uye vari vanhu vekunyika yeMozambique..
Gwaro iri rinoti vamwe gumi vakabatwa kuBeitbridge kuMatebeleland South uye mumwe chete achiwanikwa aine chirwere ichi kuChegutu kuMashonaland West.

Kusvika pari zvino, munhu mumwe chete anonzi ndiye ashaya munyika yose nechirwere ichi uye vamwe vasere vachinzi vanorwara zvakanyanya nacho.

Mutauriri webazi rezvehutano munyika, VaDonald Mujiri ,vati chirwere ichi chiri kukwira munyika uye bazi ravo riri kuita zvirongwa zvekurwisa kukwira
uku, asi vati vange vasingakwanisi kutipa zvizere sezvo vange vakabatikana.

Denda iri rinonzi rave kune mamwe matunhu akaita seManicaland neMasvingo. Mudunhu reMasvingo munhu mumwechete akabatwa nechirwere ichi
kwaChivi uye gumi nevaviri vari kufungirwa kuti vanacho vari muchipatara cheChivi District, umo vachiri kuongororwa.

Mukuru webasa mubazi rezvehutano muMasvingo Doctor Ademus Shamu, vatenda kuti chirwere ichi chave mudunhu mavo uye vatotanga zvirongwa zvekuchenjedza vagari.

Mashoko ekupinda kwechirwere ichi mudunhu reMasvingo atambirwa nekutya nevamwe vagari vemudhorobha reMasvingo, avo vave nemazuva matanhatu
vasina mvura mudzimba dzavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano revagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), Muzvare Rumbidzai
Magurupira, vati chirwere ichi chikapinda mudhorobha kubva kwaChivi chinopararira nenyaya yedambudziko remvura.

Meya veguta reMasvingo, VaCollen Maboke
Meya veguta reMasvingo, VaCollen Maboke


Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke, vati nyaya yekushaikwa kwemvura iri kukonzerwa nekudzimwa dzimwa kwemagetsi kunopombwa mvura kuBushmead kune dhamu reMucheke nekambani yeZESA.

Vati kanzuru yavo yatotanga kuita zvirongwa zvedzidziso yekudzivirira
chirwere ichi sezvo dambudziko remvura riri mudhororobha.

Mukuru webasa musangano rinoona nezvehutano munharaunda, ReCommunity Working Group on Health(CWGH), VaItai Rusike, vati kushaikwa kwemvura mumakanzuru emadhorobaha makuru munyika kunogona kuita kuti chirwere ichi chipararire nekukasika uye zvakasimba.

Chirwere cheCholera chiri kuwanda mumaruwa zvakare nenyaya yemvura iri kunaya pari zvino iyo inonzi iri kukonzera madhaka pamwe nekukukura tsvina dzichinorasirwa mumatsime nemadhamu anotorwa mvura nevagari.

Chirwere ichi chatekeshera mune dzimwe nyika dzemuAfrica umo mune vanhu vanodarika zviuru makumi mana nemumwe vakabatwa nechirwere ichi
vazhinji vari munyika yeMalawi.

Vebazi rezveutano vanokurudizra vanhu kuti vageze maoko uye vagare vakashambidzika vachishandisa mvura yakawanda kusuka zvinhu pamwe
nekudya chikafu chinopisa kuti vasabatwe nechirwere ichi.

Veruzhinji vanokurudzirwawo kuti vatange vafashaidza mvura yekunwa kuitira kuuraya hutachiwana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG