Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inombosendeka Parutivi Sarudzo dzePrimary Election, dzeKutsvaga Vachakwikwidza Vakamirira Bato muSarudzo dzeNyika


VaMike Bimha veZanu PF
VaMike Bimha veZanu PF

Sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato reZanu PF musarudzo dzegore rino, kana kuti primary elections idzo dzange dzichifanira kuitwa mangwana dzambomiswa sezvo pachinzi pachine mamwe matanho asati apera kuitwa uyewo dare rePolitiburo yebato iri richaita musangano neMuvhuro kuti ritambire mazita evanhu vakabudirira kukwikwidza sarudzo idzi.

Murongi wemisangano mubato iri, VaMike Bimha, vaudza vatori venhau kuti vanhu vakawanda vakaratidza chido chekupinda musarudzo idzi zvekuti bato rakawandirwa nebasa izvo zvatadzisa kuti sarudzo dzienderere mberi.

Vatiwo basa rekuongorora vanhu ava kuti havana mhosva dzavakapara here richiri kuenderera mberi.

VaBimha vaenderera mberi vachiti National Elections Directorate yebato iri kusangana nhasi kutambira zvakabva kumatunhu ese gumi pamwe nekutambira zvichemo.

Vati komiti yavo ichapedza basa rayo mangwana kana kuti neSvondo, yotura zvisungo zvayo kuPolitiburo iyo ichaita musangano neMuvhuro ichizobuda neshoko rekupedzisira.

VaMike Bimha veZanu PF
VaMike Bimha veZanu PF

VaBimha vati Politiburo ichatambira mazita evanhu vachapinda musarudzo uye zuva richaitwa sarudzo richaviswa zvichitevera musangano wePolitiburo uyu.

Vakurudzira nhengo dzavo kuti dzitsvage rutsigiro murunyarao vachiti vose vachaita zvemhirizhonga vacharambidzwa kupinda musarudzo idzi.

VaBimha vatiwo zvinofadza chose kuti madzimai nevechidiki vakaratidza chido chakasimba chekupinda musarudzo idzi.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaJoel Mukusha, vaudza Studio 7 kuti kuwanda kwevanhu vari kuda kumirira bato reZanu PF kunoratidza kuti mubato iri mune hutongi hwejekerere.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vakazvimirira zvakare vachitungamirira bato reDemocractic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti vanhu vazhinji vave kupinda musarudzo idzi hausi mucherechedzo wekusimba kwebato asi kuti vanhu vari kutsvaga mari.

Vamwewo ndivo vari kuti kuwanda kwevechidiki ndiko kunogona kunge kwakonzera kumbosendekwa kwesarudzo idzi vachiti vamwe vaifunga kuti ndivo zvidza zvepo mumusangano vanogona kunge vakaona kuti musangano wave kuenda nevechidiki uye vatsva vetsambo.

Movement for Democractic Change inotungamirirwa, naVaDouglas Mwonzora inoti ichasarudza vachamirira bato iri musarudzo pakupera kwemwedzi uno.

Ukuwo, bato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition forChange, rinoti harisi kuzoita sarudzo dzemaPrimary asi kuti veruzhinji munharaunda dzavagere vachangobvumirana kuti ndiani owamiririra musarudzo.

Zimbabwe ichaita sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende nemakanzuru muna Nyamavhuvhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG