Accessibility links

Breaking News

Dare reHigh Court Rinoti Bato reMDC-T Rakaresva paKudzinga muBato Nhengo Shanu Dzinosanganisira Vaive Mutevedzeri weMutungamiri VaMudzuri


Gwaro rakabva kudare reHigh Court panyaya yemakakatanwa ari mubato reMDC-T
Gwaro rakabva kudare reHigh Court panyaya yemakakatanwa ari mubato reMDC-T

Dare reHigh Court rakapa mutongo wekuti bato reMDC-T pamwe nemutungamiri waro, VaDouglas Mwonzora, havana kutevedzera mutemo pakudzinga kwavakaita vaive mutevedzeri wavo VaElias Mudzuri nevamwe vavo.

Dare rakati danho rakatorwa nebato reMDC-T rekuvandudza bumbiro raro remutemo richiisa chikamu chinoti nhengo inenge yakwirira bato iri kumatare edzimhosva inenge yazvidzinga mubato, harifambirane nechikamu chinopa kodzero kumunhu yekunzwikwa pamwe nekuenda kumatare sekodzero yaanopiwa nechikamu 69 (3) chebumbiro remitemo yenyika reZimbabwe.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nebato reMDC-T rekudzinga mubato iri nhengo shanu dzichipomerwa mhosva yekutyora bumbiro remitemo mushure mekunge dzaramba kutambira musangano wekongiresi yebato iri wakaitwa uye kuramba kutambira VaMwonzora semutungamiri webato.

Vakadzingwa mubato vanoti vaive mutevedzeri wemutungamiri webato iri VaMudzuri, VaNorest Marara, VaDen Moyo, VaGift Konjana pamwe naVaEdward Kakora.

Mumwe wenhengo dzakakwira kudare reHigh Court, VaNorest Marara, vaudza Studio 7 kuti vafadzwa zvikuru nemutongo uyu sezvo wasimbisa danho ravo rekuti vakadzingwa zviri kunze kwemutemo.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC-T, VaChengetai Guta vaudza Studio 7 pari zvino gwaro reHigh Court iri harina zvarinoreva sezvo richifanirwa kutanga raongororwa nedare repamusorosoro, reConstitutional Court kuti rizonzi rinoshanda, nekudaro hapana zvarashandura.

Vakakwirirwa kudare vanoti bato reMDC-T, VaMwonzora, VaMorgen Komichi pamwe naAmai Paurina Mupariwa Gwanyanya, uye vanonzi havana kupikisa nyaya iyi mudare izvo zvakazoita kuti ripe mutongo waro ivo vasipo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG