Accessibility links

Breaking News

FIFA Yovhota Kuti Zimbabwe Irambe Yakamiswa Kutamba Nhabvu neDzimwe Nyika


Mokambi ya Fifa Gianni Infatino azawi maloba nsima na koponama mpo na kokoba kokamba mabongisi maye ma molongo ma lisano lya ndembo na Kigali, Rwanda, 16 sanza ya misato 2023.
Mokambi ya Fifa Gianni Infatino azawi maloba nsima na koponama mpo na kokoba kokamba mabongisi maye ma molongo ma lisano lya ndembo na Kigali, Rwanda, 16 sanza ya misato 2023.

Zimbabwe neSri Lanka nezuro dzakanzi neFIFA dzirambe dzakamiswa kuva nhengo dzesangano renhabvu iri pamusangano wekongiresi uri kuitirwa kuKigali, Rwanda.

Mutungamiri weFIFA VaGianni Infantino havana ari kuvakwikwidza uye vari kutarisirwa kutungamiri gungano iri kwemamwe makore mana.

Pamasangano enhabvu ari pasi peFIFA mazana maviri, 211, zana nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kana kuti 199 avhota kuti Zimbabwe imbomiswa kuvhota mune zvose zvinoitwa negungano iri.

Nyika zana nemakumi mapfumbamwe nenomwe kana kuti 197 dzavhotawo kuti Sri Lanka isapihwe kodzero yekuvhota.

Vezvematongerwo enyika muZimbabwe neSri Laka vari kupomerwa mhosva yekuda kupindira munyaya dzemutambo wenhabvu zvinotyora bumbiro remutemo weFIFA. Sports and Recreation Commission yemuZimbabwe iri kupomera mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo mhosva dzehuowori asi ivo vari kuzviramba.

Asi vanoongorora nhau dzemitambo VaMore Moyo vanoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemari yakawanda kubva kuFIFA nekuda kwedanho iri uye zviri kudzosera kumashure vatambi vasisibvumidzwe kutamba nechikwata zveune dzimwe nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG