Accessibility links

Breaking News

UN Yokurudzirwa Kuitira Musangano Mukuru weMadzimai Kune Dzimwe Nyika


Amai Nyaradzayi Gumbodzvanda - Rozaria Memorial Trust

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana reRozaria Memorial Trust, Amai Nyaradzayi Gumbodzvanda vanoti ivo nemamwe masangano akazvimirira ekuAfrica vakasvitsa chikumbiro (petition) kusangano reUnited Nations kuti musangano mukuru weCommission On the Status of Women unokokerwa nesangano iri uitirwewo kuAfrica nekune dzimwe nyika.

Vanoti mamwe masangano haana zvikwanisiro zvekuti vaende New York gorre rega rega.

Amai Gumbodzvanda vange vachipinda mumisangano iyi pamadandemutande vari kuZimbabwe vachiti zvinonetsa uye kudhura.

Vakuru vemamwe masangano ekuZimbabwe vari muNew York vanoti vanotsigira zviri kutaurwa naAmai Gumbondzvanda,

Amai Gumbodzvanda vanoti shuwiro yavo ndeyekuti vanasikana nemadzimai vari kumaruva vawanewo mukana wekutura nhuna dzavo vachinzwikwawo nevanyarikani vepasi rose.

"Ticharamba tichikurudzira kuti musangano uyu uitirwewo munyika dzakadayi seAfrica kuitira kuti madzimai nevanasikana vekumaruwa vasina zvikwanisiro zvekuenda kuNewYork vawanewo mukana wekunzwikwa panozeyewa nhunha dzavo," Amai Gumbodzvanda vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG