Accessibility links

Breaking News

Mafashamu eMvura Okanganisa Kunyoreswa kweVavhoti neZEC


Mafashamu emvura munzvimbo dzakaita seMasvingo, Manicaland, Mashonaland East neCentral pamwe neMatebeleland South, kusashanda zvakana kwemimwe michina yekunyoresa vavhoti pamwe nekusamira zvakanaka kwezvinhu kumahofi amudzviti kunonzi kwave kukanganisa chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission chekunyoresa vanhu nehuwandu hwavo kuti vavhote musarudzo dzegore rino dziri kutarisirwa kuitwa muna .

Cyclone Freddy iyo yarova nyika dzinoti Madagascar, Mozambique neMalawi ikauraya vanhu vanodarika mazana maviri. Vakawanda vafa vari kuMalai.

Mvura iyi yaparadza misha yakawanda kuChimanimani, Nyanga, Chipinge nedzimwe nzvimbo uye kukonzera kuti nzizi dzizare sematauririwo emumwe mugari wekuChimanimani VaPardon Maguta.

VaMaguta vatiwo izvi zviri kukanganisa huongwa hwevanhu hwekunyoresa kuvhota.

Mumashoko kuvatori venhau, ZEC yati mamiriro ekunze ari kukanganisa basa ravo pachirongwa chekunyoresa vavhoti vachiti mimwe michina inoshandisa simba remagetsi kana kuti solar haisi kushanda zvakanaka zvononotsa basa.

Mukuru weZEC mudunhu reMasvingo, VaZex vatenda kuti nyaya yekushaikwa kwezuva nemvura iri kunaya iri kukanganisa mafambisiro ebasa mudunhu ravo.

Mutungamiriri wesangano revagari reGutu United Residents and Rate Payers Alliance (GURRA), VaTafunga Mamombe avo vari kukurudzir vagary kuti vanyorese kuvhota vati kunaya kwemvura kuti kuri kuvashaisa mufaro.

.Sachigaro weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa vati mvura iri kuvhiringa zvirongwa zvavo sezvo zvekukurudzira vatsigiri vavo kuti vanonyoresa kuvhota.

Vari kutungamirira chirongwa chekurudzira vatsigiri kundonyoresa kuvhota kubato reCCC, kuGutu East, VaDesire Tichazorwa, vati migwagwa haisi kufambika nemotokari dziri kutakura vanhu.
Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reElections Resource Centre(ERC), Muzvare Rudo Motsi, vati kunze kwe izvi mazuva ekunyoresa mashoma uye vakuridzira ZEC iwedzere mazuva.

Zvichakadaro mapurisa anonzi ambochengetedza mukuru wesangano reProject Vote 263 VaAllan Chipoyi avo vange vachikurudzira vanhu kuvhota muguta reHarare.

Chirongwa chekufamba pedyo nedzimba dzevanhu chiri kupeta musi wa 21 mwedzi uno neZEC uye vanhu vanokwanisa kuzononyoresa kumahofisi eZEC kusvika mazuva maviri mutungamiri wenyika paanenge atara zuva resarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG