Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe Chotanga Basa Rekutaura Nevane Magwaro eZEP kuSouth Africa


Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa VaDavid Hamadziripi vaudza Studio 7 kuti chikwata chehurumende kubva kumapazi akasiyana siyana chatanga basa muSouth Africa nhasi chichiita misangano nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuda kudzokera kumusha panopera magwaro azvo ekugara muSouth Africa zviri pamutemo eZimbabwe Exemptions Permits muna Chikumi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zviuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178 000 zvakatarisana nekjudzingwa munyika iyi.

Zimbabwe neSouth Africa dziri kushanda nesangano reUnited Nations rinoona nezvekushanyirana reInternational Organization for Migration kana kuti IOM. G

weta vari sachigaro vesangano rinomiririra zvizvarawa zvenyika dzekunze mu South Africa, reAfrican Diaspora Forum VaVusimuzi Sibanda vati zviri pachena kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda hazvisi kuda kudzokera kumusha nekuti hakuna chekubata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG