Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Voendesa VaMnangagwa Kudare neNyaya Yekuganhurwa kweMatunhu Kuitira Sarudzo


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi nesangano reZimbabwe Electoral Commission vaendeswa kudare repamusoro reHigh Court neMDC inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora vachinzi vakatyora bumbiro remitemo pakutarwa kwakaitwa miganhu neZEC kana kuti delimitation pamberi pesarudzo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba kana sachgaro weZEC amai Priscilla Chigumba sezvo nharembozha dzavo dzange dzirisiri kudairwa. Asi mutauriri waVaMwonzora Lloyd damba vaudza Studio 7 kuti vakayedza kuyambira ZEC asi hapana chakabuda.

Vati ZEC yakashandisa gwaro rehurongwa hwekuverengwa kwevanhu kana kuti census risati rakwenenzverwa. Vanotiwo pane zvakawanda zvakaitwa neZEC zvisiri kunzwisisika uye zvakanzi nemamwe masangano akaita seVeritas zvinotyora bumbiro remitemo.

Imwe nhengo yeZanu-PF iri kumirirwa. Mamwe makomishina eZEC akarambawo kutambira gwaro rekuganhurwa kwematunhu iri akanyorera VaMnangagwa tsamba yenyunyuto.

Imwe nhengo yeZanu-PF, VaTonderai Chidawa vakatoendesa ZEC kumatare vachiti gwaro rekutara muganhu harina kuitwa zviri pamutemo. Magweta anoti kana gwaro iri rikanzi nedare harisi pamutemo, panenge poshandiswa rakashandiswa musarudzo dzadarika dzemuna 2018.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG