Hofisi inoona nezvehuwori muhurumende yeSouth Africa kana kuti Public Protector inoti ongororo yayakaita inoratidza kuti mutungamiri wenyika iyi, VaCyril Ramaphosa hapana chavakanganisa pakabiwa mari yakawanda zvikuru papurazi ravo yainge yakavigwa musofa.
Asi VaRamaphosa vanzi vaongoroorwe havo panyaya dzekuti mari iyi yainge yabva kupi uye kuti vakaita sei payakabiwa. Nyaya iyi yakaita kuti VaRamaphosa vapotse vasiya basa.
Ongororo isati yaendeswa kune veruzhinji iyi inoti anotungamira vanochengetedza VaRamaphosa akakanganisa paakaisa mutemo mumaoko make ndokutanga kuferefeta asina kusuma mapurisa.
Facebook Forum