Accessibility links

Breaking News

ZEC Yotanga Hurongwa Hwekunyoresa Vanhu Kuvhota VeCCC Vachigunun'una


Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC yakabata nevekwamudzviti kana kuti Registrar General kuparura nhasi hurongwa kwekufamba pedyo nedzimba dzevanhu vachivatoresa magwaro ekuberekwa, zvitupa uye kuvanyoresa kuti vavhote musarudzo dzegore rino dziri kutarisirwa kuitwa muna Nyamavhuvhu.

Hurongwa hwemazuva gumi uhu hunopera musia wa21 mwedzi uno. Vari kukurudzirwa kuti vaende kuzvirongwa izvi ndevaye vane makore gumi nemasere vari kuda zvitupa kana kuti vakazvirasa vanoda kuvhota gore rino.

Asi vamiriri vebato rinopikisa reTripple C kunzvimbo dzakaita seHarare neMidlands vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nezviri kuitwa neZEC sezvo vari kuti zvirongwa zvayo zvanonoka kutanga uye dzimwe nguva michina yange ichinzi haisi kushanda zvakanaka.

Vanoona nezvesarudzo muZEC VaUtoile Silaigwana vati nhasi havasi pabasa vakati tifonere kuhofisi yeZEC asi nhare yacho yange isisi kupinda.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rakazvimirira roga reElectoral Resource Centre (ERC) VaSolomon Bobosibunu vanoti chirongwa ichi hachina kushambadzirwa zvakanaka uye vanzwawo nezvematambudziko kune dzimwe nzvimbo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG