Accessibility links

Breaking News

ZEC Yotarisirwa Kuparura neSvondo Chirongwa cheKunyoresa kuVhota Chichabata Nyika Yose


Vechidiki vachinyoresa kuvhota kuBudiriro muHarare. ZEC yave kuparura zvakare chimwe chirongwa.
Vechidiki vachinyoresa kuvhota kuBudiriro muHarare. ZEC yave kuparura zvakare chimwe chirongwa.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kuparura neSvondo chirongwa chemazuva gumi chekupa mukana wekunyoresa kune vanhu vanoda kuzovhota, kusanganisira musarudzo dziri kuitwa gore rino, icho chichabata nyika yose.

Chirongwa ichi chinonzi ndicho chekupedzisira kuitwa pasati paziviswa nezvezuva richaitwa sarudzo iro rinodomwa nemutungamiri wenyika.

Chirongwa ichi chinonziwo chichapa mukana kune vavhoti vanoda kuchinja nzvimbo dzekuvhotera kubva kune dzavakambonyoresa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZEC, Commission Rodney Kiwa, kuti tinzwe zvizhinji pamusoro pechirongwa ichi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi svondo rapera VaKiwa vakaudza vatori venhau kuti chirongwa ichi chichatanga musi wa 12 Kurume, unowe mwedzi uno, chichipera musi wa 21 Kurume.

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti chirongwa ichi chakanaka asi chinogona kunge chisina kushambadzwa zvakakwana kuitira kuti veruzhinji vazive nezvacho uye nzvimbo dzekuenda.

VaBobosibunu vanotiwo vashandi veZEC vanogona kuita dambudziko rekukundikana kusvika kune dzimwe nzvimbo nekuda kwenaya kuri kuita mvura, izvo vanoti zvinogona kukanganisa migwagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG