Accessibility links

Breaking News

Mitemo neTsika Dzinodzvanyirira Kodzero dzeVanoita zveHungochani muNyika Zvotadzisa Ngochani Kuwanana Zviri paMutemo


Vanoita zvehungochani vanoti vanosangana nezvimhingaminyi zvinoita kuti vasabude pachena.
Vanoita zvehungochani vanoti vanosangana nezvimhingaminyi zvinoita kuti vasabude pachena.

Ngochani dzakawanda munyika dzinoti dziri kutadza kuwanana zviri pamutemo nepamusana pemitemo pamwe netsika dzemuZimbabwe dzinodzvanyirira kodzero dzevanoita zvehungochani.

Irvine Kuvandikira, uyo ane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa, anogara nemudiwa wake Taku Gomora. Vaviri ava ingochani dzinogara mumusha weMbare muguta reHarare. Kuvandikira anoti iye nemudikani wake vanoda kuti varoorane zviri pamutemo asi vari kutadza kuita izvi nepamusana pemitemo inorambidza ngochani kuroorana.

Kuvandikira anoti iye ndiye mudzimai, ukuwo Gomora ari murume muhupenyu hwavo. Kuvandikira anoti vanorarama hupenyu hwakaoma sezvo vemunharaunda yavanogara vachivenga ngochani.

Kundivakira naGomora vamwe vevanhu vakawanda muZimbabwe vari kurarama hupenyu hwakadai sezvo mitemo yenyika isingabvumidze kuroorana kwengochani, ukuwo chivanhu chisingatambire kuroorana pakati pevanhurume kanawo pakati pevanhukadzi.

Vazhinji vanoita zvehungochani vanoti vanotya kubuda pachena.
Vazhinji vanoita zvehungochani vanoti vanotya kubuda pachena.

Munyori mukuru wezvedzidzo musangano re Zimbabwe National Traditional Healers Association, VaPeter Sibanda, vanoti ivo kwavari sesangano havatombodyidzani nevese vanoita zvechingochani.

VaSibanda vanoti hungochani hwunoitwa na Kundivakira naGomora hausi hunhu hwechitema uye vanhu vakadai vanofanira kurapwa.

Asi nyanzvi mukuongorora nezvemararamiro engochani, uye vari mukuru wezvirongwa musangano rengochani, re Gays and Lesbians of Zimbabwe, VaSamuel Matsikure, vanoti hungochani hachisi chinhu chitsva muvanhu vatema.

VaMatsikure vanoti ruvengo kuvanhu nekuda kwekusiyana kwavakaita nevamwe pakuumbwa kwavo rwunofanira kupera sezvo bumbiro remitemo yenyika richipa kodzero dzekuti munhu azvisarudzire zvaanoda, uye kuti asashungurudzwe kana achinge achitevedzera kodzero dzake sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti mitemo yemunyika haibvumidzi kuroorana kwengochani. Vanoti pakaumbwa bumbiro remitemo yenyika, vanhu vakawanda vemuZimbabwe vakaramba kutambira mutemo unoita kuti ngochani dzitambirwe.

Vanorwira kodzero dzengochani vachiratidzira.
Vanorwira kodzero dzengochani vachiratidzira.

Asi nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzinoti bumbiro remitemo yenyika harirambidze kuti vanhurume kana vanhukadzi kuti vadanane kunyange hazvo paine mitemo inorambidza vanhu vakadai kuratidzana rudo rwavo pane veruzhinji kana kuita zvepabonde pane veruzhinji.

Sangano reGays and Lesbians of Zimbabwe rinoti vanhu munyika vanosvika zvikamu gumi kubva muzana ingochani.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG