Accessibility links

Breaking News

Gwaro reZDI Rinoti Zvichakaoma Kuti Vanopikisa Vapinde muMaruwa Vachitsvaga Rutsigiro Sezvo Zanu PF Yakadzika Midzi


Zimbabwe Democracy Institute
Zimbabwe Democracy Institute

Gwaro raparurwa nhasi nesangano reZimbabwe Democracy Institute (ZDI) rinoratidza kuti zvichakaoma kuti mapato anopikisa apinde kumaruwa achitsvaga rutsigiro nekukunda musarudzo nekuda kwekuti bato riri kutonga reZanu PF rakadzika midzi ikoko.

Asi ZDI inoti mapato aya anogona kukunda kana akashandisa nzira dzemazuva ose nedzechizvizvino mukutsvanga rutsigiro,

Vachiparura gwaro iri riri pamusoro pesarudzo rakanzi Electoral Impregnability of the Rural Constituencies in Zimbabw,e mukuru weZDI, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vati kumaruwa hakupindike nyore nevanopikisa nekuda kwekuti varwiri vehondo yerusununguko vaishandisa nzvimbo idzi muhondo uye vachiri kudzishandisa kutsvagira bato reZanu PF rutsigiro kubva kune veruzhinji.

Doctor Ruhanya vati kunze kwaizvozvo, Zanu PF inotengawo mavhoti ikoko ichishandisa nzira dzakasiyana siyana.

Asi Doctor Ruhanya vati mapato anopikisa aya anokwanisa kupinda kumaruwa nekukunda kana akashandisawo nzira dzakchenjera dzekusvika nadzo kumaruwa.

Vanoti hazvina huchenjeri kungosimbirira pamadandemutande chete akafana neFacebook, Whats App neTwitter, ayo asinganyanyoshandiswa nevakawanda vekumaruwa.

VaGift Siziba veCitizens Coalition For Change
VaGift Siziba veCitizens Coalition For Change

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato guru rinopikisa munyika reCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vati vaona gwaro re ZDI uye vati bato ravo ratove kumberi nenyaya iyi uye vave kushandisawo maredhiyo nematerevhizheni pakutsvaga rutsigiro.

VaSiziba vatiwo mutungamiriri webato ravo, VaNelson Chamisa, vane hutungamiriri hwepamusoro huchita kuti bato ravo rikunde pasarudzo.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko, VaTafadzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti rutsigiro rweZanu PF kumaruwa haruneyi nehondo asi kuti kugona kwemutungamiriri webato iri VaEmmerson Mnangagwa.

VaMugwadi vatiwo bato ravo rine rutsigiro muvanhu kwete kumadandemutande semapato anopikisa.

VaTafadzwa Mugwadi veZanu PF
VaTafadzwa Mugwadi veZanu PF

Hatina kukwanisa kubata mutauriri werimwe bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube, kuti tinzwewo pamire bato ravo panyaya iyi.

VeZDI vanoti gwaro iri rinogona kushandiswa chero nani zvake.

Vemapato anopikisa, zvikuru veCCC, vagara vachichema kuti vari kurambidzwa kuita musangano yavo kumaruwa, uyewo nhengo dzavo dziri kushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti Vatsigiri veZanu PF, sezvakaonekwa kuMurehwa North, uko Vatsigiri vebato rinopikisa iri vakashungurudzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG