Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weZimbabwe KuSouth Africa, VaHamadziripi, Votaura nezveHurongwa hweKubatsira Vane Magwaro eZEP Ave Kuguma Kushanda


VaDavid Hamadziripi, mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa.
VaDavid Hamadziripi, mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa.

Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vanoti kutanga neMuvhuro unouya kusvika musi wa 31 Kurume unove kupera kwemwedzi uno, zvikwata zvitatu zvehurumende zvichange zvichipinda mumatunhu ose mapfumbamwe emuSouth Africa zvichisangana nevana veZimbabwe vane magwaro eZimbabwe Exemption Permit atarisana nekuguma kushanda mukupera kwaChikumi zvakazvipira hazvo kudzokera kumusha.

Ambassador Hamadziripi vanoti muzinda wavo wakatoburitsa gwaro richange richiratidza kuti zvikwata izvi zvichange zvichiwanikwa papi uye musi upi?

Vanoti kunze kwekunyora vanoda kudzokera kumusha, zvikwata izvi zvichange zvichibatsirawo zvakare nekuwanisa magwaro ekuberekwa, kana kuti birth certificates, mapasipoti pamwewo nemagwaro ekufambisa kwenguva pfupi, kana kuti Temporary Travel Documents kune vanenge vachida kudzokera kumusha.

Kune vane midziyo nedzimotokari zvavari kuda kudzokera nazvo kumusha, Ambassador Hamadziripi vanoti hurumende iri kugadzira gwaro remutemo uchabvumidza vari kudzokera kumusha kuti vasaita dambudziko pamuganho kupinda nezvinhu zvavo munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kusvika kuzviuru zana nemakumi masere zvakatarisana nedambudziko rekupererwa nemagwaro eZEP, izvo zvichaita kuti zvinge zvave kugara munyika iyi zviri kunze kwemutemo.

Hurumende yeSouth Africa yakati vanoda kugadzirisa magwaro avo kuitira kuti vagare munyika iyi zviri pamutemo, asi zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zviri kukundikana kuforera magwaro aya nezvikonzero zvakasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG