Accessibility links

Breaking News

Musika weFodya Wovhurwa Zviri paMutemo


Mwaka wekutenga fodya watanga nhasi varimi vakawanda vachichema kuti havasati vabhadharwa fodya yavo yegore rapera uye kambani yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB), yabvuma kuti makambani anotenga fodya haasati abhadhara varimi zana remamiriyoni emadhora ekuAmerica, US100 million.

Mumwe asiri kufara nekuti haasati abhadharwa mari yake murini ati anonzi Panyangara anoti ane madhora churu nemazana maviri ekuAmerica asati apihwa nekambani yakaatengesera fodya.

Kunze kwekuchema neye kusabhadharwa, VaOwen Matombe, veChiweshe vanoti vanoda kubvumidzwa kutengesa fodya yavo musi wavasvika pamusika kuti varasikirwe nenguva.

Sachigaro weTIMB, VaPatrick Davenish, vabvuma kuti kune makambani asati abhadhara mavirimi fodya yemwaka wapfuura asi vakati izvi hazvifanire kuitika.

Vati makambani ese anoita chitsotsi chekusabhadhara varimi nenguva achotorerwa marezenisi ekutenga fodya.

Asi vatiwo nyaya yekutengesa fodya pamukoto varimi vachitiza kubhadhara zvikwerti kana kuti Side Markting inofanira kupeera vakakurudzira varimi kuti vabhadhare makambani anenge avabatsira nembeu, fotireza nezvimwe.

Mumashoko avo pakuparura mwaka wekutengeswa kwefodya pamusika weTobacco Sales Floor, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantine Chiwenga vati fodya ngaitengeswe zviri pachena pasina chitsotsi.

Vati donzvo rehurumende kuwedzera huwandu wefodya inorimwa kusvika pamakirogiramu mamiriyoni mazana matatu muna2025 pamwe kuona kuti varimi vefodya vatsigirwa nemari yemuno.

Pari zvino mari inodarika zvikamu makumi masere kubva muzana inotsigira varimi vefodya inobva kumakambani ekunze izvo zvinosiya varimi vemuno vasina mari.

Mwaka uno TIMB yakapa marezinesi ekutengesa fodya kumisika miviri yeTSF nePremier Tobacco muHarare, kozoti makambani makumi maviri nematanhatu anonzi maClass A buyers nemaContractor makumi matatu nemana.

Makambani aya anenge achitenga fodya kuKaroi, Mvurwi, Bindura, Marondera neRusape.

Varimi vachange vachipihwa mari yavo zvikamu makumi masere nezvishanu ari madhora ekuAmerica imwo yacho ari maRTGs.

Asi varimi vakaita saVaDenis Jerera vekuDarwandale vanoti vangafare chose vakapihwa mari yavo yese ari madhora eku America nekuti zvekurimisa zvave kudhura.

Zimbabwe inotarisira kuwana makirogiramu efodya mamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu (230 million kg) efodya

Gore rapera nyika yakawana mari inoda kusvika bhiriyoni remadhora ekuAmerica kubva pakutengeswa kwefodya uye mari iyi inotarsirwa kupfuura apa mwaka uno.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG