Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Rotenderana neZEC Kuti Vari Kukwidza Musarudzo Vambomira Kupihwa Gawro reVavhoti


Dare repamusoro rarasa chikumbiro chemumiriri weHarare North mudare reparamende, VaRusty Markham, chekuti vapihwe gwaro revavhoti repama computer kana kuti electronic voters roll nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission pamberi pesarudzo dzegore rino.

Rimwe remagweta aVaMarkham, VaDenford Halimani, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare asi vakati havana kufara nemutongo uyu.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare VaNever Katiyo vati hazvikodzere kuti ZEC imanikidzwe kubuditsa gwaro iri risina kuiswa mambure ekuti risatambwetambwe naro kana kuti ma security features.

VaKatiyo vati kupa veruzhinji gwaro risina kuiswa mambure aya kunogona kukonzera kuti zvinhu zviite mhidigari munyika sezvo vachiti nyaya dzesudzo inyaya dzinogona kukonzera kusagadzikana munyika kana dzikasabatwa zvakanaka.

Asi VaKatiyo vakurudzirawo ZEC kuti iite izvi nekukasika vachiti pasi pemitemo yenyika veruzhinji vane kodzero yekuwana gwaro iri nemutowo wavanoda asi mitemo iyi ichipawo ZEC simba rekuona kuti yaita zvese zvinokodzera kuti sarudzo dzaita a murunyararo.

Vanoona nezvekufambiswa kwesarudzo mubato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Ellen Shiriyedenga vati vakatyamadzwa nezvaturwa nedare.

Mutungamiri webato reDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vati zvaturwa nedare izvi zvinogona kupa kuto sarudzo dzisafambe zvakanaka.

Asi vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vati.

Vanoona nezvekufambiswa kwema basa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vatiwo…

VaMarkham vakaenda kudare repamusoro vachiti vanoda electronic voters roll iri kuti varipenengure pamberi pesarudzo dzegore rino kana paine zvinoda kugadziriswa zvogadziriswa paine nguva.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatarisirwa kutara zuva resarudzo munguva pfupi iri kutevera uye ZEC inotiwo ine hurongwa hwekupinda mune veruzhinji ichinyoresa vanhu kuvhota musarudzo dzegore rino, Huwongwa hwemazuva gumi uhu hunotanga nemusi weSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG