Mashoko atichangotambira anoti Bona Mugabe, mwanasikana wevaimbova mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe aenda kudare repamusoro reHigh Court achiti ave kuda kurambana nemurume wake Simba Chikowore achimupomera mhosva yekuita gumbo mumba gumbo panze.
Vaviri ava vakachata muna 2014 pamuchato wakaitirwa kumba kwemhuri yaVaMugabe kunozivikanwa nekuti Blue Roof kuBorrowdale muHarare.
Facebook Forum