Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vonzi Vovhunduka Chati Kwatara paNyaya yeHuwori Hwofushunurwa neAl Jazeera


Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn mangudya.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn mangudya.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University, muAmerica Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvino katyamadza kuti Gavhuna weReserve Bak of Zimbabwe Doctor John Mangudya vamhanyira kuvhundutsira vanhu vanonzi vakataura ne Al Jazeera chokwadi chaicho chisati chabuda pachena panyaya yehuwori hunonzi huri kuitwa mukutengeswa kwegoridhe kunze kwenyika.

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vanoti vachaendesa kumatare edzimhosva vose vanonzi vakataura nezvehuori muZimbabwe mutsvakiridzo yakaitwa muchihwande nenhepfenyuro ye Al Jazeera.

Al Jazeera yaifanira kuburitsa zvayakafushunura asi yakati yambomira mushure mekuburitsa nzwisa chete.

Mamashoko kuvatori venhau, VaMangudya vakaramba mashoko ekuti Zimbabwe inoshandisa nzira dzechikiribidi mukutenga nekutengesa zvicherwa zvayo, zvakaita se goridhe, iri nzira yekunzvenga zvirango zvayakatemera nehurumende yeAmerica uye sangano reEuropean Union.

VaMangudya vanoti hapana zvirango zvakatemerwa Zimbambwe zvinoitadzisa kutenga kana kutengesa zvigadzirwa nezvicherwa zvayo kunze kwenyika, vachiti naizvozvo Zimbabwe haishandisi nzira dzemuchivande mukutenga nekutengesa zvainoda.

Vanoti zvinovarwadza kuti zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zviri kunyanya kutaura manyepo pamusoro penyika neReserve Bank of Zimbabwe.

VaMangudya vanoti, sezvo pasina zvekuvanza, vakapindura mibvunzo yose yakanga yabvunzwa Reserve Bank of Zimbabwe nevakaita firimu iri asi vachiti vanoshamiswa nezvishoma zviri kubudiswa nevanhu pa'social media' zvisingaratidzi mhinduro dzavakapa kuvanhu veAl Jazeera.

Asi Muzvinafundo Masocha vati chinofadza ndechekuti VaMangudya vazobuda pachena mukuzivisa veruzhinji kuti Zimbabwe haina zvirango zvayakatemerwa zvinoitadzisa kudyidzana nedzimwe nyika mune zvemabhizimisi, kusanganisa kutenga nekutengeserana nenyika dzainoda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata munyori webazi rezvemari munyika, VaGeorge Guvamatanga, sezvo nharembozha yavo yanga isingadavirwi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG