Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopinda Mumusangano Mukuru weZveKushanyira kuGermany


Mukuru wesangano reGlobal Exchange Program, VaInnocent Ndenda
Mukuru wesangano reGlobal Exchange Program, VaInnocent Ndenda

Bazi rinoona nezvekushanyirwa kwenyika nemamiriro ekunze rakabatana neZimbabweTourism Authority kana kuti ZTA anoti ari kutungamira chikwata chiri kuenda kumusangano mukuru wezvekushanyirana kuGermany unonzi International Tourism Bourse kana kuti ITB.

Musangano uyu uri kutanga mangwana uchipera musi wa9 Kurume. Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri we ZTA, VaGodfrey Koti vati makambani anosvika gumi nemanomwe kubva mu Zimbabwe ayo anonzi ari kuedza kudzokera pakushanda zvakanaka kubva mudambudziko reCovid-19.

Zimbabwe Tourism Authority
Zimbabwe Tourism Authority

Mamwe makambani ari kuenda anosanganisira Rainbow Tourism Group, Cresta Hospitality, Wild Horizons, ZIMPARKS nemamwe.

Nyika zana nemakumi masere neshanu kana kuti 185 dziri kutarisirwa kumusangano uyu.

Nyanzvi yezvekushanya nekushanyirwa vari mukuru we sangano re Global Exchange Programme, VaInnocent Ndenda vanoti chirongwa ichi chakanakira nyika nezvizvarwa zveZimbabwe kuti zvigonewo kuwana mukana wekushambadza mabhizimisi azvo uyewo kukoka vekunze kuti vazoshanya nyikae vachiunzawo mari yekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG