Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu-PF Vopomerwa Mhosva Yekumbopamba Imwe Nhengo yeCCC kuNyanga


Imwe nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change inonzi yambopambwa nhasi apo nyaya yemhirizhonga munyaya dzezvematongerwo enyika iri kuenderera mberi pamberi pesarudzo kunyangwe United Nations nedzimwe nyika dzakabudirira nemabhanga anokweretesa mari ari kukurudzirwa kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende VaTrevor Saruwaka vaudza Studio 7 kuti imwe nhengo yebato ravo VaMaxwell Nyanhongo vekwaNyadowa, kuNyanga North vambopambwa pamusha pavo nasabhuku nevamwe vanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu-PF. Vanzi vange vachityisidzirwa kuti vasataure nezvenyaya yekuti vakanyimwa mbeu yehurumende isinei nemapato ezvematongerwo enyika.

Nemusi weMugovera kuRaffingora neMhondoro kuMashonaland West uye kuZaka nekwaGutu kuMasvingo kwakaitikawo mhirizhonga apo vatsigir veZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekuvhiringidza veTripple C kutsvaga rutsigiro zvikuru kumaruwa.

Mukuru weCCC kana kuti Cluster Leader mudunhu reZvimba VaFidelis Mugari vanoti vakawana nhengo dzeZanu PF dzichitamba bhora rehushamwari munhandare yeRaffingora yavainge vabvumirwa kuita musangano wavo nemapurisa.

Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti havasati vaudzwa zvizere nezvenyaya yekuRaffingora nemapurisa eko.

Imwe nhengo yevechidiki yeZanu Pf yaitamba bhora panonzi paida kuitirwa musangano neTripple C, VaBywell Mbiri vanoti vaitamba bhora munhandare yeDandajena kwete muRaffingora Stadium.

Patabvunza kuti vachanyorera mapurisa kuti vaite mumwe musangano here, VaMugari vanoti havaone nyaya yemisangano mikuru ichishanda sezvo bato reZanu PF rave nemamwe maitiro ekukanganisa misangano yavo.

Mushandi mukuru mubato reZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti mapurisa ndiwo anganyatso tsanangura kuti chii chakaitika asi vanoti bato reCCC rakatadza kuita musangano kuRaffingora sezvo vasina vanhu kumaruwa.

Kunze kweUnited Nations, European Union, America, Africa Development Bank, World Bank nemamwe masangano anokweretesa mari ari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iite sarudzo dzakachena.

Vakasarudzwa nemutungamiri wenyika yeAmerica kuva mumiriri weAmerica muZimbabwe Amai Pamela Tremont vari kutarisirwa kusvika muZimbabwe sarudzo dzisati dzatwa vakaudza dare reCongress kuti vakatambirwa kuti vatore bas iri vachayedza kunoona kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazadzikisa chivimbiso chavo chekuti vaite sarudzo dzakachena uye nekuita zvehutongo hwejekerere.

VaMnangagwa vakavimbisa kuti gore rino vari kuda kuti munyika muitwe sarudzo dzinotambirwa nemunhu wose asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG