Vakuru veHockey Association of Zimbabwe vari kurwisana nekuunganidza mari yekuti zvikwata zvenyika zvevechidiki zvibudirire kuenda kumakundano eJunior Africa Cup ayo ari kushandiswa zvekare senzira yekuenda kuWorld Cup.
Mutauriri weHockey Association of Zimbabwe VaCliff Kaseke vanoti vaunganidza zvikamu makumi matanhatu kubva muzana yemari inodarika zviuru zana iri kudiwa kuti zvikwata izvi zvibudirire kuenda kumakundano aya ayo arikutanga musi wa 12 Kurume.
Vanoti izvi hazvina kumisa gadziriro sezvo pane chivimbo chakasimba kuti mari yasara iyi inowanikwa mamazuva mashoma asara.
Makundano eJunior Africa Cup aya ari kuunganidza zvikwata zvevanhurume nevanhukadzi zvemaUnder 21 uye ari kushandiswa zvekare senzira yekuenda kumakwikwi eWorld Cup.
Munyori mukuru wesangano iri Muzvare Sarah Bennett vanoti vari kuda kuti zvikwata zveZimbabwe izvi zvisimuke musi weChitatu kana China kuti zvikwanise kubata mitambo iyo iri kutanga neMugovera.
Masvondo apfuura, HAZ yanga ichikumbira rubatsirwo rwemari kubva kune veruzhinji munyika kuti zvikwata zviviri izvi zvibatsirikane.
Muzvare Bennett vanoti vakumbirawo zvekare vatambi vavo kuti vatsvage makambani anokwanisa kuvabatsira kuti mari yavarikuda ikwane.
Asi veruzhinji muZimbabwe vanoti zvinhu zvanga zvisingafanire kusvika pakadai nekuti zvikwata zvenyika zvinofanira kupihwa mari yekukwikwidza nehurumende.
Aimbotambira Old Hararians Godknows Motsi anoti vechidiki ava ndivo ramangwana renyika zvekuti vanoda rutsigiro.
Mutsigiri wemutambo wehockey VaAdmire Mapiye vanoti masangano emitambo haakwanise kuzvimiririra ega asi vanodawo ruoko rwehurumende.
Muzvare Bennett vanoti havo vakakumbira mari kubva kuSports and Recreation Commission uye vari kutarisira mhinduro inofadza nechimbi-chimbi.
Anotaura akamirira SRC Muzvare Elleta Nengomasha vaive vavimbisa kupindura mibvunzo yakatumirwa neStudio 7 asi vange vasati vaita izvi pataenda pamhepo. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry.
Asi mashoko atawana anoti veSRC neChishanu vaimhanya-mhanya kuti vaone kuti vangabatsire sei zvikwata zvevechidiki izvi.
Asi muongorori wezvemitambo VaShepard Saizi vanoti hockey yasimudza mureza wenyika zvakasimba zvekuti vanga vasingafanire kunetseka kubatsirwa nemari yavarikuda.
Hockey ndiyo yakaunza menduru yekutanga yeZimbabwe kubva kumaOlympic Games apo chikwata chevanhukadzi chakatora menduru yegoridhe kuRussia muna 1980.
Gore rapera, chikwata chevanhukadzi, chevechidiki chakabudirira kuenda kumafainari eWorld Cup ayo akaitirwa muSouth Africa.
Kumakundano eJunior Africa Cup, Zimbabwe iri kuatrisirwa kunokwikwidza neSouth Africa, Egypt, Ghana, Nigeria neKenya.
Zvikwata zvinotora mukombe weJunior Africa Cup, muvanhurume ne
muvanhukadzi, ndizvo zvinobudirira kuenda kuWorld Cup.
Facebook Forum