Accessibility links

Breaking News

Musangano WeUnited Nations Wakanangana NeMadzimai Watanga Nhasi MuNew York


UN Logo
UN Logo

Zimbabwe iri kupinda mumusangano wechimakumi matanhatu nemanomwe, kana kuti United Nations 67th Session of the Commission On The Status Of Women watanga nhasi muguta reNew York.

Chikwata che Zimbabwe chiri kutungamirirwa negurukota rebazi rinoona nezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni. Hatina kukwanisa kubata Amai Sithembiso Nyoni sezvo nharembozha yavo yanga isingadavirwi.

Zimbabwe inotarisirwa kuratidza zvirongwa zvakanangana nemadzimai zvakadzikwa kubva muna 2017 pakatangaa VaEmmerson Mnangagwa kutungamira nyika.

Musangano uyu urikupavo Zimbabwe mukana wekuita hurukuro dzakadzama pamusoro pekuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Gadziro Gwekwerere vanoti Zimbabwe yapiwa mukana wekuratidza zvayakaitira madzimai mumakore matanhatu apfuura. Vatiwo vanhukadzi vanokosha munyika, naizvozvo zvinofanirwa kuva pachena kuti vanobatwa zvakanaka uye vachipiwa mikana yekuita mabasa avanoda, vachienzaniswa nevanhurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano uyu uchapera nemusi weChishanu svondo rinouya, musi wa17 Kurume.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG