Accessibility links

Breaking News

CCC Yopomera Mapurisa Mhosva yeKuinyima Mvumo yeKuita Misangano, Mapurisa Achiti Mvumo Inobva muMamiriro eZvinhu muDunhu Rega Rega


Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muCCC, VaAmos Chibaya
Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muCCC, VaAmos Chibaya

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, rinoti riri kushushikana nekunyimwa kwarinoti riri kuitwa mvumo nemapurisa yekuti ritie misangano nevatsigiri varo.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muCCC, VaAmos Chibaya, vanoti mumasvondo maviri adarika chete bato ravo rakanga rakaronga kuita misangano makumi matanhatu nemitatu (66) nyika yose, asi mishanu chete ndiyo yakabvumidzwa nemapurisa kuti ienderere mberi.

Vanotiwo kune mimwe misangano yose vaipiwa zvikonzero zvakangofanana zvekuti panenge paine rimwe bato risiri kudomwa nezita nemapurisa rinenge rakatanga kuazivisa kuti richaita misangano panzvimbo dzavanenge vachidawo kuitira misangano yavo.

VaChibaya vanoti izvi zvinoratidza kuti mapurisa ari kutungamidza mberi zvido zvebato reZanu PF, ravanoti riri kutya mutungamiri webato reCCC, VaNleson Chamisa.

Asi Vachibaya vanoti havasi kuzoora mwoyo nezviri kuitwa nemapurisa izvi vachiti vacharamba vachianyorera kusvika vapiwa mvumo.

Vachipindura mubvunzo wekuti havasi kurasikirwa nemukana wekutsvaga rutsigiro here nekurambidzwa kwavanoti vari kuitwa kuita misangano uku, VaChibaya vanoti bato ravo rakaparura dzimwe nzira dzekutsvaga nadzo rutsigiro dzakaita semugwazo, chirongwa chavari kupinda mudzimba vachitsvaga rutsigiro.

Assistant Commissioner Paul Nyathi
Assistant Commissioner Paul Nyathi

Asi mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti zviri kutaurwa nebato rinopikisa iri manyepo ekuti mapurisa ari kurinyima mvumo yekuita misangano nevatsigiri varo.

Assistant Commissioner Nyathi vanoti zviri kumukuru wemapurisa mudunhu rega rega kubvumidza kana kurambidza misangano yezvematongerwo enyika, zvichienderana nemaonero aanenge achiita mamiriro ezvinhu.

Vanotiwo vanenge vanyora tsamba dzekuzivisa mapurisa nezvemisangano yavanenge vachida kuita ava vanofanirwawo zvakare kuzodzokera kumapurisa vachinogara pasi nemukuru wemapurisa vokurukura nyaya dzavo, kwete kuti zvingogumira mukunyora tsamba chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG