Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeorge W. Bush, svondo rapera vakakurudzira nhengo dzedare repamande yeAmerica kuti dzirambe dzichitsigira chirongwa chePresident's Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR), icho chavakatanga makore makumi maviri adarika senzira yekurwisana nemukondombera uyo wakanga wanetsa panguva yacho.
VaBush vakataura mashoko avo kekutanga ekukumbira kuti chirongwa ichi chisamiswa pamberi pedare reparamende vachipa mashoko emamiriro ezvinhu munyika eState of the Union, muna 2003, apo vanhu vaida kusvika kumamiriyoni matatu muAfrica vaive nehutachiwana hweAIDS, kusanganisira mamiriyoni matatu evana vari pasi pemakore gumi nemashanu.
VaBush, avo vaive muWashington svondo rapera kunocherechedza kusvitsa makore makumi maviri kwechirongwa chavo ichi, vakati vaita rwendo urwu kuitira kuyeuchidza vanhu kuti mari yemitero inobhadharwa nezvizvarwa zveAmerica iri kubatsira zvikuru mukuwanisa mishonga inoponesa kumamiriyoni evanhu vari kurarama neHIV/AIDS.
Facebook Forum