Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haikwanise Kupa Vashandi Mari Yavari Kuda


Some learners leave school in Chitungwiza, Zimbabwe, Feb. 10, 2022, when they discovered that teachers had not changed their minds about their strike after the government offered them a pay raise and incentives. (Columbus Mavhunga/VOA)
Some learners leave school in Chitungwiza, Zimbabwe, Feb. 10, 2022, when they discovered that teachers had not changed their minds about their strike after the government offered them a pay raise and incentives. (Columbus Mavhunga/VOA)

Vashandi vehurumende vanoti hapana chabuda panhaurirano dzemhihoro dzavaita nehurumende nhasi pasi pehurongwa hweNational Joint Negotiating Council sezvo vange vakamirira hurumende vati bazi rezvemari harina iri kudiwa nevashani kuti vatambiriswe.

Mutevedzeri wemunyori wesangano range richimirira vashandi vehurumende mumusangano uyu re Zimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions VaGibson Mushandu vaudza Studio 7 hapana zvine musoro zvabuda mumusangano wanhasi.

Vaenderera mberi vachiti musangano wanhasi uyo waita maawa mashanu watora nguva vanomirira hurumende vachingotaura kuti hapana mari yekupa vashandi.

Asi VaMushangu vati izvi ndizvo zvinogara zvichitaurwa nehurumende uye vaiatarisira kuti nyaya iyi ingadai yakagaddziriswa gore rapfuura vashandi vakatotanga kuwana mihoro yakaweedzerwa muna Ndira.

Vati vabvumirana kuti vasataura kuti hurumende yanga yauya nehurongwa hwakadii hwekuwedzera vashandi mari sezvo nhaurirano dzichaenderera mberi.

Musangano wanhasi waitwa mushure mekunge vamwe varairidzi pasi pesangano rino zvidaiddza kuti #Teachers for 4USD vatanga kuramwa mabasa nezuro vachiti vanoda kutambiriswa muhoro wechiuru nemazana maviri nemakumi matanhatu emadhora ekuAmerica kana kuti US$1 260 pamwe mwedzi.

Mutungamiriri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruva reAmalagamateed Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vati nhengo dzesangano ravo dzakawanda hadzina kuenda kubasa nhasi.

Asi mutauriri mubazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti kunongova kutaura kwana VaMasarauure vachiti varairidzi vazere muzvikoro.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMoses Mhike avo vari kutungamirira chikwata chehurumende munhaurirano dzeNJNC.

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studoio 7 kuti vange vasati vasumwa zvabuda mumusangano wanhasi sezvo vange vaenda kunze kweHarare nebasa.

Zimbabwe Confederation of Public Sectors Trade Unions riri kudakuti mushandi wepasi atambire mazana masere nemakumi mana emadhora eku America pamwedzi kana kuti US$840.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG