Accessibility links

Breaking News

Russia Inoti Yakagadzirira Kudyidzana neZimbabwe Panguva Iyo Iri Kutemerwa Zvirango neKurwisa Ukraine


VaEmmerson Mnangagwa naVladmir Putin
VaEmmerson Mnangagwa naVladmir Putin

Hururumende yeRussia inoti iri kuda kusima mari yayo muZimbabwe panguva iyo nyika iyi isiri kuwirirana nenyika dzekumavirira zvichitevera kurwisa kwairi kuita Ukraine.

Izvi zvataurwa negurukuta rezvehupfumi mudunhu reSverdlovsk rekuRussia, VaVyacheslav Yarin, pamusangano waitwa nechikwata chavakauya nacho munyika nechikwata chehurumende yeZimbabwe waitwa muHarare nhasi.

VaYarin vati mamiriro akaita zvematongerwo enyika kunyika kwavo ndiwo ari kukonzera kuti vatsvage nyika dzekudyidzana nadzo pasi rose.

Gurukota redunhu reMidlands, VaLarry Mavhima, vati vawirirana nechikwata cheRussia ichi kuti dunhu reMidlands rinyorerane chibvumirano chekudyidzana nekushanda pamwechete, kana kuti twinning arrangement, nedunhu rekuRussia reSverdlovsk iri.

VaMavhima vati chikwata chekuRussia ichi chati chiri kuda kusima mari mukucherwa kwesimbi mudunhu ravo chisati chapinda mune mamwe mapazi ehupfumi anosangansirawo nyaya dzekurima, hutano, zvemigodhi nezvimwe.

Mutauriri webato reZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, avo vanga varipowo pamusangano uyu, vati hukama pakati peZimbabwe neRussia hauna kutanga nhasi vachiti kucherwa kuchaitwa simbi kuManhize mudunhu reMidlands kuchabatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika.

VaMutsvangwa vati kudyidzana neRussia kunovhura mukana wekutengeserana pakati peZimbabwe nenyika.

VaNicholas Ndebele vanove mukuru wekambani yeZimbabwe International Trade Fair vati kushanya kwechikwata ichi kwapa Zimbabwe mukana wekuti makambani ekuRussia auye kuzoratidza zvaanokwanisa kubatsira Zimbabwe nazvo.

Asi vachipa pfungwa dzavo, mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coaliton for Change VaOstallos Siziba ati. Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic party Doctor Wurayayi Zembe vatiwo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana kwenyika, VaLazarus Sauti, vati kusimwa kuri kuda kuitwa mari neRussia muZimbabwe kunogona kupinza Zimbabwe munataisireva nenyika dzekumavirira dzakatemera Zimbabwe zvirango sezvo nyika idzi dzisiri kuwirirana neRussia pamusana pekurwisa Kwairi kuita nyika yeUkraine.

Chikwata cheRussia chiri kushanya munyika ichi chazisiwo kuti chakoka mayunivesiti gumi nemaviri emuno kuti aende kuRussia kunokwikwidza mumitambo yemayunivhesiti anobva kunyika dzinodarika zana pasi rose akatarisirwa kuitwa kuEkatarinburg kuRussia muna Nyamavhuvhu gore rino.

Chikwata ichi chatiwo hurumende yeRussia iri kuda kubatsirana neZimbabwe munyaya dzekurima, kucherwa kwezvicherwa nezvimwe.

Asi zvimwe zvibvumirano zvakamboitwa neZimbabwe nemakambani ekuRussia hazvina kubudirira mushure mekusawirirana. Semuenzaniso. Kambani yekuRussia inonzi VI Holdings yaimbenge yati ichaunza mabhiriyoni matatu kana kuti US$ 3 billion kuburikidza nemugodhi wePlatinum weGreat Dyke yakazobuda munyika pasina chabuda muna 2022. Chibvumirano ichi chainge chakanyorerana muna 2014. Hapana chikonzero chakati tsvikiti chakapihwa kuti sei yakabuda munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG