Accessibility links

Breaking News

VaBola Ahmed Tinubu Vosarudzwa Kutungamira Nigeria


VaBola Tinubu
VaBola Tinubu

Komisheni inoona nezvesarudzo muNigeria yeIndependent National Electoral Commission (INEC) inoti VaBola Ahmed Tinubu ndivo vakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa nemusi weMugovera vamwe vakazovhota havo nemusi weSvondo sezvo pange paita zvimhingamupinyi.

Kuziviswa nhasi kwezvekukunda kwaVaTinubu kuri kuuya kwaperawo zuva rimwe chete vemapato anopikisa anoti rePeople’s Democratic Party rinotungamirirwa naVaAtiku Abubakar uye reLabor Party rinotungamirirwa naVaPeter Obi.

VaTinubu vanonzoi vane mavhoti anodarika mamiriyoni masere nezviuru mazana masere kana kuti 8,8 million, VaAbubakar vawana mavhoti anoda kusvika mamiriyoni manomwe kuchiti VaObi vawana mavhoti anoda kusvika mamiriyoni matanhatu.

Pavanhu mamiriyoni makumi masere nevanomwe kana kutyi 87 million vakanyoresa kuvhota, vanhu mamiriyoni makumi maviri kana kuti 25 million ndivo vakavhota.

Muzvinafundo Chipo Dendere
Muzvinafundo Chipo Dendere

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Chipo Dendere vanoti kusabuda kwevanhu nehuwandu hwavo kunoratidza kuti vanhu vanogona kunge vasiri kufara nevatungamiri vemapato ange ari musarudzo idzi.

Vanoti dayi vemapato anopikisa vakabatana pasarudzo idzi vaikwanisaa kubudirira sezvo bato riri kutonga rakakunda risina kukunda nemavhoti akawanda.

"Dai mapato maviri anopikisa akabatana musarudzo iyi zvaizobatsira sezvo kusabatana kwavakaita kwakapatsanura mavhoti zvakaita kuti bato riri kutonga rikunde," Muzvinafundo Dendere vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG